10.Jonas

  1. Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hakuna anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah (voga)). Idzi ndidzo ndima dzemuBhuku (Qur’aan) rehungwaru
  2. Zvishamiso here kuvanhu kuti takava tinotumira mashoko edu kumurume anobva pakati pavo (Muhammad (SAW) tichiti): “Yambira vanhu (nekuuya kwemarwadzo emoto (Gehena)), uye ipa mashoko akanaka kune vanotenda (muIslaam) kuti vachawana mubairo hwemabasa avo akanaka kuna Tenzi vavo?” (Asi) vasingatendi vanoti: “Zvirokwazvo, uyu muiiti wemapipi ari pachena.”
  3. Zvirokwazvo, Tenzi venyu ndivo vakasika matenga nenyika mumazuva matanhatu uye vakabva vakwira pamusoro pechigaro chehumambo (nenzira inoenderana nehukuru wavo), vachifambisa hurongwa hwezvinhu zvose. Hakuna humiriri kunze nekuda kwavo. Ava ndivo Allah, Tenzi venyu, nokudaro vanamatei (ivo voga). Nokudaro hamurangariri here
  4. Kwavari ivo ndiko kwamuchadzokera mese. Vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Zvirokwazvo, ndivo (Allah) vakatanga kusika zvisikwa uye vachadzokororazve, kuti vave vanopa mugove zvakaringana avo vaitenda (muhumwe chete hwaAllah) uye kuita mabasa ehutsvene. Asi avo vasingatendi, vachamwa zvinwiwa zvemvura dzinopisa, uye vachawana marwadzo akaomarara nokuti vakanga vasingatendi
  5. Ndivo vakasika zuva sechinhu chinobwinya uye nemwedzi semwenje uye vakava vanoupimira madanho kuti muve munoziva kuverenga makore uye mipimo. Allah havana kusika izvi asi pachokwadi. Vanotsanangura humboo zvizere kuvanhu vane ruzivo
  6. Zvirokwazvo, mukuchinjana kwehusiku nemasikati, uye mune zvisikwa zvose zvaAllah zviri mumatenga uye pasi munyika, mune humboo kune avo vanhu vanochengetedza basa ravo kuna Allah, uye vanovatya zvakanyanya
  7. Zvirokwazvo, avo vanoshuvira kusasangana nesu, asi vanofadzwa uye kugutsigakana nehupenyu hwenyika ino, uye neavo vasina hanya nendima dzedu (humboo hwedu)
  8. Ava mhedzisiro yavo ichava moto nekuda kwezvavaibata (zvavaiwana)
  9. Zvirokwazvo, avo vanotenda uye voita mabasa ehutsvene, Tenzi vavo vachavapa gwara kuburikidza nekutenda kwavo; pasi pavo pachange pane nzizi dzinoerera mumapindu anoevedza (Paradhiso)
  10. Nzira yavo yokukumbira imomo, ichava Sub-haanaka Allaahumma (Kurumbidzwa kwamuri, Imi Allah!) uye Salaam (Runyararo, chengetedzo kubva kune zvakaipa) kuchava kumhorosana kwavo imomo (muParadhiso)! Uye mhedzisiro yekukumbira kwavo kuchava Al-hamdu lillaahi Rabbil- Aalameen (Rumbidzo nekutendwa ngazvive kuna Allah, Tenzi weAl-Aalameen (vanhu, maJinn nezvose zviripo)
  11. Uye dai Allah vaimhanyidza zvakaipa zvevanhu (zvavanozvikumbirira pachavo uye vana vavo vakatsamwa) sokumhanyidza kwavanoita zvakanaka kwavari (zvavanokumbira), nokudaro dai vakaparadzwa kare. Nokudaro tinosiya avo vasingashuvira kusangana nesu mukupfuura mirairo kwavo, vachidzungaira semapofu vasingazivi zvavarikuita
  12. Uye kana chakaipa chabata munhu, anokumbira isu, akarara nedivi, kana kugara kana kumira. Asi kana tabvisa zvakaipa zvake kubva kwaari, anoenderera mberi sokunonzi haana kumbovhira atikumbira nemarwadzo aiva amubata! Zvakaitwa kuti zvienzane kuma Musrifoon (vasingatendi uye vapfuurkidzi vemirairo yaAllah) zvavaigara vachiita
  13. Uye zvirokwazvo, takaparadza marudzi akapfuura imi musati mavepo pavakaita zvakaipa, mushure mokunge vatume vauya kwavari nemicherechedzo iri pachena, asi havana kutenda! Sokudaro tinoparadza Al-Mujrimoon (vatadzi, mhondi)
  14. Nokudaro taita imi vatori vechinzvimbo mushure mavo, marudzi mushure memamwe marudzi munyika, kuti tione kuti munoshanda sei
  15. Uye pose panoverengwa kwavari humboo hwedu huri pachena, avo vasingashuviri kusangana nesu vanoti: “Hunza Qur’aan risiri iri kana kuti richinje.” Iti (Muhammad (SAW)): “Hazvisi kwandiri kuri chinja pamadiro angu, ndinongotevedzera chete izvo zvinounzwa kwandiri. Zvirokwazvo, ndinotya marwadzo ezuva hombe (zuva rokumutswa) kana ndikasateerera Tenzi vangu.”
  16. Iti (Muhammad (SAW)): “Dai iri shuviro yaAllah, ndaisariverenga kwamuri, kana kuti vaisariita kuti rizivikanwe kwamuri. Zvirokwazvo, ndagara pakati penyu kwekanguva mushure meizvi. Hamuna here njere?”
  17. Saka ndiani anoita zvakaipa kudarika uyo anogadzira manyepo kuna Allah kana kuramba humboo hwavo? Zvirokwazvo, maMujrimoon (vatadzi, mhondi, nevamwe vanoita zvakaipa) havafi vakabudirira
  18. Uye vanonamata vachisiya Allah zvinhu zvisingavape marwadzo kana kuvabatsira, uye vanoti: “Ava ndivo vamiriri vedu kuna Allah.” Iti: “Murikuudza Allah izvo zvavasingazivi here mumatenga nemunyika?” Rumbidzo nehukuru ndezvavo vari pamusoro pezvose zvavanovasanganisa nazvo
  19. Vanhu vakange vari boka rimwe (vari pachitendero chimwe chete, Islaam) uye vakazosiyana (mushure); uye dai rakanga risiri shoko rakauya kwavari mushure kubva kuna Tenzi vako, dai zvakagadziriswa pakati pavo maererano nezvavaisiyana
  20. Uye vanoti: “Sei humboo husina kutumirwa kwaari kubva kuna Tenzi vake?” Iti: “Izvo zvisingaoneke ndezva Allah voga, nokudaro mirirai, zvirokwazvo ndinemi pamwechete pakati peavo vakamirira (zuva rekutongwa).”
  21. Uye kana tikaravidza vanhu tsitsi mushure mokunge matambudziko avawira, ngwarirai! vanova vanoronga kupikisa humboo hwedu! Iti: “Allah vanokasika mukuronga!” Zvirokwazvo, vatumwa vedu (ngirozi) vanonyora zvose zvamunoronga
  22. Ndivo vanoita kuti mukwanise kufamba pasi nemumvura (nyanza), kusvika pamunenge muri mungarava, uye dzofamba navo nemhepo dzakanaka, uye vanofara imomo, uye kobva kwauya kuvhuvhuta kwakanyanya uye masai-sai ovavinga kubva kumativi ose, uye vofunga kuti vaunganirwa imomo. Nokudaro vanodana Allah vachiita kuti kutenda kwavo kuchenere Allah voga (vachiti): “Kana Allah mukatibuditsa muizvi, zvirokwazvo, tichava pakati pevanotenda.”
  23. Asi pavanovanunura, tarisai, vanopanduka munyika vachitadza. Imi vanhu! Kupanduka kwenyu kwakaipira imi pachenyu – kufadzwa kushoma kwehupenyu hwepano pasi, nokudaro (mhedzisiro yacho) kwatiri ndokwamuchadzokera, uye tichava tinokuzivisai izvo maigara muchiita
  24. Zvirokwazvo, kufanana kwehupenyu hwepano panyika kwakafanana nemvura (yokunaya) iyo yatinotumira pasi kubva kudenga, nokudaro nayo munosimuka (inoburitsa) zvirimwa (nemichero) zvakasangana zvepasi izvo vanhu nemhuka dzinodya, kusvika nyika yatora shongedzo yayo uye yobva yanaka, uye vanhu vayo vobva vafunga kuti vane masimba pamusoro payo, murairo wedu oisvikira husiku kana masikati, uye toiita segoho rakohwewa, sokunge yakange isina kunaka nezuro! Kudaro tinotsanangudzira zvizere zviratidzo (humboo) avo vanhu vanofunga
  25. Allah vanodanira kuimba yerunyararo (Paradhiso), uye vanotungamirira wavanoda mugwara rakatwasuka
  26. Kune avo vakaita zvakanaka (kune mubairo weParadhiso) kana wakapfuura ipapo (Kuona Allah pachavo). Uye hapana kunyange rima kana guruva kana chinhu chinonyadzisa, chichavhara zviso zvavo. Vachange vari vagari vekuParadhiso, uye vachagara imomo zvachose
  27. Uye kune avo vakaita mabasa akaipa, muripo wezvakaipa wakafanana naizvo, uye nyadzi dzichavavhara (zviso zvavo). Hapana mudziviriri wavachawana kubva kuna Allah. Zviso zvavo zvichavharwa sekunge zvidimbu kubva murima rehusiku. Vachange vari vagari vemumoto, uye vachagara imomo zvachose
  28. Uye zuva ratichavaunganidza vose, nokudaro tichati kune avo vanosanganisa zvimwe zvinhu nesu mukunamata: “Mirai panzvimbo yenyu, imi nevabetseri venyu (vamainamata panyika)!” Nokudaro tichavapatsanura, uye vabatsiri vavo vachati: “Hatisi isu vamaiwanzo kunamata.”
  29. “Nokudaro Allah vanokwana semufakazi pakati pedu nemi, kuti zvirokwazvo hapana chataiziva mukutinamata kwenyu kwamaiita.”
  30. Ipapo munhu wese achaziva zvaakawana kumashure uye vachadzorerwa kuna Allah, Tenzi vavo vechokwadi, uye zvavaiwedzera zvenhema mukunamata zvichatsakatika kubva kwavari
  31. Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiani anokupai kubva kudenga uye nepasi? Kana kuti ndiani muridzi wekunzwa nekuona? Uye ndiani anoburitsa vapenyu kuvafi uye kubuditsa vafi kubva kuvapenyu? Kana anoronga nekufambisa nyaya dzese?” Vachati: “Allah.” Iti: “Saka hamutyi here mutongo waAllah (nekuvasanganisa nezvimwe zvinhu mukuvanamata)?”
  32. Ava ndiAllah, Tenzi venyu muchokwadi. Nokudaro mushure mechokwadi, chii chimwe chingavepo, kunze kwekurasika? Saka sei muchifuratidzwa (muchirasiswa)
  33. Nokudaro iri izwi raTenzi vako rakaenera richipokana nevapanduki (vasingateereri Allah) kuti havasi kuzotenda (muhumwe chete hwaAllah uye kuti Muhammad (SAW) mutumwa hwaAllah
  34. Iti: “Aripo here mumwechete pakati pevabatsiri venyu (vamunosanganisa naAllah) anotanga kusika zvisikwa obva azvidzokorora?” Iti: “Allah vanotanga kusika zvisikwa vobva vazvidzokorora. Saka muri kubuditswa sei (muchokwadi)?”
  35. Iti: “Aripo here mumwechete pakati pevabatsiri venyu (vamunosanganisa naAllah) anokutungamirirai kuchokwadi?” Iti: “Allah ndivo vega vanotungamirira kuchokwadi. Saka uyo anotungamirira kuchokwadi haana kodzero yakanyanya kuti ave anotevedzerwa, kana uyo asina kuwana gwara (pachake) kunze kwekuti atungamirirwa? Saka chii chiri kunetsa kwamuri? Munotonga sei?”
  36. Uye vazhinji vavo havana chavanotevera kunze kwepfungidziro. Zvirokwazvo, pfungidziro haibatsiri chinhu pamberi pechokwadi. Zvechokwadi, Allah vanoziva zvose zvamunoita
  37. Uye iri Qur’aan harisi rokuti ringagadzirwa nani kunze kwaAllah (Tenzi vematenga nepasi), asi rinozadzisa izvo zvakauya mushure maro (Torah, neInjeel (Vhangeri)), uye tsanangudzo yakazara yeBhuku (mitemo yakatarirwa vanhu), iro mariri hamuna kusagutsikana, kubva kuna Tenzi veAalameen (vanhu, maJinn nezvese zviripo)
  38. Kana kuti vanoti: “Iye (Muhammad (SAW)) akarigadzira?” Iti: “Hunzai chitsauko (Surah) chakafanana naichocho, uye modaidza wese wamunokwanisa kunze kwaAllah kana muri pachokwadi!”
  39. Asi (kutoti) vakaramba (izvo) zvakanga zvisina kukomberedzwa neruzivo rwavo (zvavakanga vasingazive) uye tsanangudzo dzacho dzisati dzauya kwavari. Naizvozvo, avo vakanga varipo ivo vasati vavepo vakarambawo. Pedzezvo chitarisai magumo eavo vaiita mabasa akaipa
  40. Uye mavari mune vamwe vanotenda mariri; uye mavari mune vamwe vasingatendi mariri, uye Tenzi vako ndivo muzivi mukuru wevatadzi
  41. Asi kana vakuramba, iti: “Kwandiri mabasa angu uye kwamuri mabasa enyu! Hamuna mhosva kune zvandinoita, uye handina mhosva kune zvamunoita!”
  42. Uye mavari mune vamwe vanokuteerera, asi ungaite kuti vanamatsi vanzwe here kunyange vasinganzwisise
  43. Uye mavari mune vamwe vanokutarisa, asi ungatungamira here mapofu kunyange vasingaoni
  44. Zvechokwadi, Allah havatadziri vanhu chipi zvacho, asi vanhu vanozvitadzira pachavo
  45. Uye pazuva iro ravachavaunganidza vose pamwechete, (zvichaita sokunge) havana kumbogara (hupenyu hwepano pasi nemuguva) asi kanguva kadiki kezuva (awa). Vachazivana. Nyonganidzo zvirokwazvo ichava kune avo vairamba kusangana naAllah uye vange vasina kutungamirirwa
  46. Kunyange tikakuratidza (iwe Muhammad (SAW)) zvimwe zvezvinhu zvatakavavimbisa (marwadzo), kana tikakuita kuti ufe, kunyange zvakadaro kwatiri ndokwavanodzoka. Uye Allah mufakazi wezvavanoita
  47. Uye kurudzi roga-roga kune mutumwa; apo pachauya mutumwa wavo, nyaya dzichatongwa pakati pavo zvakafanira, uye havambotadzirwi
  48. Uye vanoti: “Ndirinhiko pachava nevimbiso iyi (marwadzo kana zuva rokumutswa) kana muchitaura chokwadi?”
  49. Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Handina simba rekuzvikuvadza pachangu kana kuzvibetsera kunze kwekuti Allah vatoda. Rudzi rwega-rwega rwune nguva yakatarwa; kana nguva yavo yasvika, havakwanisi kuinonotsa kana kuiwedzera kunyange nekanguva kadiki.”
  50. Iti: “Ndiudzei, kana mutongo wavo ukauya kwamuri manheru kana masikati, ndechipi chidimbu chawo vatadzi vachakumbira kuti chikurumidze?”
  51. “Ndizvo here kuti kana yakuwirai munobva matenda mairi? Chii! (Chamunotenda) iye zvino? Uye maiwanzo kukumbira (mushure) kuti ikurumidze!”
  52. Nokudaro zvichanzi kwavari avo vakazvitadzira pachavo: “Ravirai imi mutongo usina magumo! Hamusi kuwana mubairo kusara kwezvamaiwana.”
  53. Uye vanokubvunza (iwe Muhammad (SAW)) kuti uvazivise (vachiti): “Ichokwadi here (marwadzo ezuva rekumutswa)?” Iti: “Hongu! Ndinopika naTenzi vangu! Ichokwadi chemazvokwadi! Uye hamugoni kuwatiza!”
  54. Uye kana munhu wega-wega akatadza (nekusatenda muna Allah uye kunamata vamwe vanamwari) aine zvose zvepanyika uye ozoda kuzvishandisa kutenga chidzikinuro chake (hachisi kuzogamuchirwa), uye vachave mumoyo yavo nekugunun’una pavachaona mutongo, uye vachatongwa zvine ruenzaniso, uye hapana chakaipa chichaitwa kwavari
  55. Tarisai! Zvirokwazvo, zvese zviri kumatenga nemunyika ndezvaAllah. Tarisai! Zvirokwazvo, vimbiso yaAllah ndeye chokwadi. Asi vazhinji vavo hapana chavanoziva
  56. Ndivo vanopa hupenyu nekukonzera rufu, uye kwavari ndiko kwamuchadzoserwa
  57. Imi vanhu! Zvirokwazvo, zano rakanaka rauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu (Qur’aan), uye chiponeso pane izvo zviri mumoyo yenyu (kushaiwa ruzivo, hunyengedzi, kugunun’una nekupesana), gwara uye tsitsi kuvatendi (richitsanangudza zvinobvumidzwa uye zvinorambidzwa)
  58. Iti: “Mumakomborero aAllah, uye mutsitsi dzavo (Islaam neQur’aan), mazviri ngavafare.” Ndizvo zviri nani pane (hupfumi) hwavanounganidza
  59. Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Ndiudzei, ndeipi raramo yamatumirwa naAllah! Uye mukaiita kuti ive inobvumidzwa kana kurambidzwa.” Iti (iwe Muhammad (SAW)): “Asi Allah vakubvumidzai imi (kuita izvozvo), kana kuti muri kupomera Allah manyepo?”
  60. Uye vanofungei avo vanovambira Allah manyepo nezuva rokumutswa? (Vanofunga kuti vacharegererwa! Kwete! Vachawana marwadzo asingaperi kumoto). Zvirokwazvo, Allah vane makomborero akawanda kuvanhu, asi vazhinji vavo havatendi
  61. Kunyange iwe (Muhammad (SAW)) ukaita basa kana kuverenga chero ndima yemuQur’aan, kana imi (vanhu) mukaita chero basa (rakanaka kana rakaipa), asi isu tiri vafakazi mazviri pamunozviita. Uye hapana chakavanzika kubva kuna Tenzi vako (kunyange) huremu hwekanhu kadiki-diki panyika kana kudenga. Kunyange kari kadiki pane ikako kana kahombe kupfuura ikako, asi kari (kakanyorwa) mugwaro riri pachena
  62. Pasina kupokana! Zvirokwazvo, shamwari dzaAllah dzichave dzisina kutya kana kushushikana
  63. Avo vaitenda (muIslaam), uye vaigara vachitya Allah zvakanyanya (vachiita mabasa akanaka vachisiya akaipa)
  64. Kwavari kune mashoko akanaka, muhupenyu hwepano pasi (munhu pachake kurota zvakanaka kana vamwe vanhu kuratidzwa), uye muhupenyu hwamangwana. Hapana kuchinja pamashoko aAllah. Zvirokwazvo, uku ndiko kubudirira kukuru
  65. Uye usarege mashoko avo achikushungurudza (iwe Muhammad (SAW)), nekuti zvirokwazvo simba neruremekedzo ndezvaAllah. Ndivo munzwi wezvose, muzivi wezvose
  66. Pasina kusagutsikana! Zvirokwazvo, Allah ndivo muridzi wevose vari mumatenga uye nevose vari pasi. Uye avo vanonamata nekukumbira zvimwe zvinhu vachisiya Allah, pachokwadi hapana chavanotevera kusara kwefungidziro, asi vanovamba manyepo chete
  67. Ndivo vakakugadzirirai usiku kuti muve munozorora mauri, uye masikati kuti zvinhu zvive pachena (kamuri). Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kune vanhu vanoteerera
  68. Vanoti (maJudha nemaKristu): “Allah vakazvara mwana (vana).” Kurumbidzwa ngakuve kwavari! Ndivo mupfumi (hapana chavanoda). Zvavo ndozviri kudenga nezvose zviri pasi. Hamuna bvumo yeizvi. Munotaura here pamusoro paAllah izvo zvamusina ruzivo nazvo
  69. Iti: “Zvirokwazvo, avo vanovamba manyepo pamusoro paAllah havambofi vakabudirira.”
  70. Mafaro epano pasi (madiki)! Uye kwatiri ndiko kwavachadzoka, uye tichaita kuti vave vanoravira marwadzo akanyanya nemhaka yokuti vakange vasingatendi (muna Allah, vatumwa vavo, uye vairamba zviratidzo zvavo)
  71. Uye verenga kwavari nhau dzaNowa (Nuh). Apo paakati kuvanhu vake: “Imi vanhu vangu! Kana kugara kwangu (nemi), uye yeuchidzo yangu (kwamuri) yezviratidzo zvaAllah yakakuomerai, nokudaro ndinoisa vimbo yangu muna Allah. Nokudaro pananai hurongwa hwenyu imimi nevabatsiri venyu, uye musaita kuti hurongwa hwenyu huve nekusagutsikana kwamuri. Nokudaro ndipei mutongo wenyu uye musave munondipa zororo.”
  72. “Asi kana mukafuratira (mukasagamuchira Islaam), nokudaro hapana mugove wandinokumbira kwamuri; mugove wangu unaAllah voga, uye ndakava ndinokomekedzwa kuti ndive mumwe wemaMuslim (avo vanozvipira kuteerera mirairo yaAllah).”
  73. Nokudaro vakamuramba, asi takamubatsira uye neavo vaainge ainavo mungarava, uye tikavaita madzinza achitsiva mamwe mushure memamwe, apo patakanyudza avo vakaramba zviratidzo zvedu. Nokudaro tarisai mhedzisiro yeavo vakayambirwa
  74. Uye mumashure make takatumira vatumwa kuvanhu vavo. Vakavavigira zviratidzo zviri pachena, asi havana kutenda mune izvo zvavakange varamba mushure. Nokudaro tinovhara moyo yevaiti vezvakaipa (avo vasingatendi muhumwechete hwaAllah uye vasingavateereri)
  75. Uye mumashure mavo takatumira Musa naAroni kuna Farawo nemadzimambo ake nezviratidzo zvedu. Asi vakazvitutumadza uye vakange vari vatadzi
  76. Saka pakauya chokwadi kwavari kubva kwatiri, vakati: “Zvirokwazvo, aya mapipi ari pachena.”
  77. Musa akati: “Mungataura here izvi pamusoro pechokwadi chauya kwamuri? Aya mapipi here? Asi vaiti vemapipi havambofi vakabudirira.”
  78. Vakati: “Wauya kwatiri kuzotisiisa izvo zvatakawana vana baba vedu vachitevera, uye kuti imi vaviri muve nechinzvimbo chepamusoro-soro munzvimbo? Hatifi takatenda mamuri vaviri!”
  79. Uye Farawo akati: “Ndiunzirei nyanzvi yese yemapipi.”
  80. Uye apo pakauya nyanzvi dzemapipi, Musa akati kwavari: “Kandai pasi zvamunoda kukanda!”
  81. Asi apo pavakanda pasi, Musa akati: “Izvi zvamauya nazvo mapipi. Zvirokwazvo, Allah vachaita kuti zvishaye simba. Zvirokwazvo, Allah havanatse mabasa evakaipa.”
  82. “Uye Allah vachadzika chokwadi nemashoko avo, kunyange zvazvo vasingatendi vachizvivenga.”
  83. Hapana akatenda muna Musa kunze kwevamwe vevana vevanhu vake, nokuda kwekuti vaitya Farawo nemadzimambo ake, pamwe aizovashungurudza; uye zvirokwazvo, Farawo aizvitutumadza panyika, uye zvirokwazvo aive mumwe wevatadzi
  84. Uye Musa akati: “Imi vanhu vangu! Kana muchitenda muna Allah, nokudaro isai vimbo yenyu mavari kana muri maMuslim (avo vanotambira zvido zvaAllah).”
  85. Vakati: “Tinovimba naAllah, Tenzi vedu! Musava munotiisa mumiedzo yeavo vanoita mabasa akaipa (musavaita kuti vave vanotikurira).”
  86. “Uye tinunurei netsitsi dzenyu kubva kune vanhu vasingatendi.”
  87. Uye takava tinoburutsa kuna Musa uye nemukoma wake (tichiti): “Ipai vanhu venyu pokugara muEgypt, uye moita dzimba dzenyu dzokugara senzvimbo dzenyu dzokunamatira, uye itai Swalaah (Munamato), uye mopa mashoko akanaka kuvatendi.”
  88. Uye Musa akati: “Tenzi vedu! Zvirokwazvo, makapa Farawo nemadzimambo ake zvinoyevedza nehupfumi muhupenyu hwepano pasi, imi Tenzi vedu, kuti vave vanobuditsa vanhu munzira yenyu. Imi Tenzi vedu! Paradzai hupfumi hwavo, nekuomesa moyo yavo, kuti vasave vanotenda kusara kwekuti vaona marwadzo akaomarara.”
  89. Allah vakati: “Zvirokwazvo, munamato wenyu muri vaviri watambirwa. Nokudaro rambai muri mugwara rakatwasuka, uye musava munotevedzera gwara reavo vasingazivi (chokwadi, Islaam).”
  90. Uye takava tinoita vana veIzrairi kuti vave vanodarika gungwa, uye Farawo nehondo yake akatevera ane kudzvinyirira neruvengo, kusvika apo paainyudzwa, akati: “Ndinotenda kuti hakuna umwe mwari kunze kweuyo anotendwa nevana veIzrairi, uye ndiri umwe wemaMuslim (avo vanozvipira kuna Allah).”
  91. Izvozvi (wakutenda) iwe wakaramba kutenda mushure uye wakanga uri umwe wemaMufsidoon (vatadzi)
  92. Nokudaro zuva ranhasi tichava tinobuditsa mutumbi wako (kubva mugungwa) kuti ugova chiratidzo cheavo (vachauya) mumashure mako! Uye zvirokwazvo, vanhu vazhinji havana hanya nezviratidzo zvedu
  93. Uye zvirokwazvo, takagadza vana vaIzirairi munzvimbo tsvene (Palestine neEgypt), uye tikavapa zvinhu zvakanaka, uye havana kupesana kusvika ruzivo rwauya kwavari. Zvirokwazvo, Tenzi vako (Allah) vachatonga pakati pavo musi wekumutswa, mune zvavaigara vachipesana
  94. Kana iwe (Muhammad (SAW)) usingagutsikani nezvatakaburutsa kwauri (kuti zita rako rakanyorwa muTorah) ne Injeel (Vhangeri)), nokudaro bvunza avo vairiverenga mushure mako. Zvirokwazvo, chokwadi chauya kwauri kubva kuna Tenzi vako. Nokudaro usava umwe weavo vasingagutsikani
  95. Uye usave umwe weavo vanoramba zviratidzo (ndima, humboo) hwaAllah, nokudaro ungazove umwe wevakarasikirwa
  96. Zvirokwazvo, avo shoko raTenzi wako rakavaenera (rakatarwa pamusoro pavo), havatendi
  97. Kunyange zviratidzo zvese zvikauya kwavari, kusvika vaona marwadzo akaomarara
  98. Kune here guta rakatenda (mushure mokuona marwadzo), uye kutenda kwaro (munguva iyoyo) kukaribatsira (kubva mumarwadzo)? (Mhinduro hapana), kunze kwevanhu vaJonah pavakatenda, takavabvisira marwadzo anonyadzisa muhupenyu wepanyika, uye tikavabvumidza kuti vafare kwenguva diki
  99. Uye dai Tenzi vako vaida, avo vari munyika dai vakatenda vose pamwechete. Saka (iwe Muhammad (SAW)) uchamanikidza here vanhu, kusvika vave vatendi
  100. Hazvisi kumunhu kutenda, kunze nekuda kwaAllah, uye vachaisa hasha dzavo kune avo vasina hanya
  101. Iti: “Tarisai zvese zviri mumatenga nemunyika,” asi hapana zviratidzo kana vayambiri vanobetsera avo vasingatendi.”
  102. Nokudaro vakamirira here (chimwe chinhu) kunze (kwekuparadzwa) kwemazuva evarume vakapfuura mushure mavo? Iti: “Nokudaro mirirai, ndiripowo pane avo vakamirira.”
  103. Nokudaro (mushure) takanunura vatumwa vedu neavo vanotenda! Ndozvazviri zvinomanikidzirwa kwatiri kununura vatendi
  104. Iti (Muhammad (SAW)): “Imi vanhu! Kana musingagutsikane nechitendero changu (Islaam), nokudaro (zivai kuti) handifi ndakanamata izvo zvamunonamata kunze kwaAllah. Asi ndinonamata Allah vanoita kuti mufe, uye ndakakomekedzwa kuti ndive umwe wevatendi.”
  105. “Uye (zvadzikiswa kwandiri): ‘Tendeudza huso hwako (Muhammad (SAW)) kuchitendero cheHaneef (Islaam, kunamatwa kwaMwari mumwechete), uye zvirokwazvo usava umwe wemaMushrikoon (avo vanosanganisa Mwari nezvimwe zvinhu mukunamata).’
  106. ‘Uye usava unodana chimwe chinhu kunze kwaAllah icho chisingakubatsiri kana kukukuvadza, asi kana ukadaro, zvirokwazvo uchava umwe wemaDhaalimoon (vanosanganisa Allah nezvimwe zvinhu mukunamata uye vatadzi).’”
  107. Uye kana Allah vakakubata nemarwadzo hakuna anokwanisa kuwabvisa kunze kwavo, uye kana vakakushuvira zvakanaka, hakuna anokwanisa kudzivirira chido chavo icho chavanenge vaita kuti chisvike kuna ani nani wevaranda vavo vavanenge vashuvira. Uye ndivo vane ruregerero rwose, nengoni dzose
  108. Iti: “Imi vanhu! Iyezvino chokwadi (Qur’aan namutumwa Muhammad (SAW)) chauya kwamuri kubva kuna Tenzi venyu. Nokudaro ani nani anogamuchira gwara, anodaro kuzvinatsurudza iye pachake; uye ani nani anorasika, anodaro mukurasikirwa kwake ega; uye handisi kwamuri muchengetedzi (anokumanikidzirai kutevera gwara).”
  109. Uye (iwe Muhammad (SAW)), tevedza zvaburutswa kwauri, uye iva nemoyo murefu kusvika Allah vapa mutongo. Uye ndivo vanogonesesa pavatongi (mutongi mukuru)