100.The Chargers

  1. Ndinopika nemabhiza anomhanya achifemereka
  2. Achiburitsa zvimvari zvemoto (nemakumbo awo)
  3. Uye achimhanyira kunorwa mambakwedza
  4. Uye achipfumbura huruva nawo
  5. Uye achipinda nawo mukati (memuvengi)
  6. Zvirokwazvo, munhu haatendi Tenzi vake
  7. Uye zvirokwazvo iye ichapupu kune izvozvo (nemabasa ake)
  8. Uye zvirokwazvo anosimbirira mukuda zvakanaka (hupfumi)
  9. Haazivi here kuti apo zviri mumakuva zvichaburitswa
  10. Uye izvo zviri muzvipfuva pazvichaitwa kuti zvizivikanwe
  11. Zvirokwazvo, nezuva iroro Tenzi vavo vachange vachinyatsoziva nezvavo (mabasa avo uye vovapa mubairo wavo)