101.The Calamity

  1. Nguva yokuparadzwa (zuva rokumutswa)
  2. Chii chinonzi nguva yokuparadzwa
  3. Uye chii chichakuita kuti uzive kuti nguva yokuparadzwa chii
  4. Izuva iro vachange vakaita sokunge shave-shave dzakapararira
  5. Uye makomo achaita sokunge shinda (wuru) yakaparadzirwa
  6. Asi kune uyo huremu hwemabasa ake (akanaka) huchange huchirema
  7. Achagara hupenyu hunofadza (kuJannah)
  8. Asi kune uyo huremu hwemabasa ake achange asingaremi
  9. Achawana imba yake iri Haawiya (gomba, Gehena)
  10. Uye chii chichakuita kuti uzive kuti chii
  11. Imoto unovirima (viriri remoto)