15.The Rock

  1. Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah chete). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro uye neQur’aan riri pachena
  2. Pamwe avo vasingatendi vanoshuvira kuti dai vanga vari maMuslim (avo vanozvipira kutevedzera mirawo yaAllah, Islaam)
  3. Vasiyei vadye pamwe nekufara, uye vasiyei vakazadzwa nechishuwo chenhema. Vachasvika pakuziva
  4. Hatina kuparadza musha asi wakanga une zvawakanyorerwa zvinozivikanwa
  5. Hapana dzinza rinokwanisa kuwedzera nguva yaro (yekurarama) kana kuinonotsa
  6. Uye vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) wakapihwa Dhikr (Qur’aan)! Zvirokwazvo, uri murume anopenga!”
  7. “Ko sei usingauyi nengirozi kwatiri kana uri pachokwadi?”
  8. Hatitumire ngirozi pasi asi nechokwadi (murango), uye ipapo havambopihwi (vasingatendi) nguva yekurarama
  9. Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Qur’aan), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa)
  10. Zvirokwazvo, takatumira vatumwa iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) kumapoka ekutanga
  11. Uye muporofita haana kusvika kwavari asi vaiita zvedambe naye
  12. Saizvozvo tinoita (kusatenda nekusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata) kuti zvipinde mumoyo yeavo vasingatendi
  13. Havambotendi mariri (Qur’aan), uye mucherechedzo wemadzitateguru (murango wavo) wakatopfuura
  14. Kunyangwe dai takavazarurira musuwo kudenga uye voramba vachikwira (zuva rese)
  15. Zvirokwazvo vaizoti (manheru): “Meso edu aita kunge avhiringwa (hatina kumboona ngirozi kana denga). Pamwe tiri vanhu vakaroiwa.”
  16. Zvirokwazvo, takava tinoisa nyenyedzi hombe mudenga uye tikarishongedza kune avo vanoritarisa
  17. Uye takava tinorichengetedza kubva kuna dhiyabhorosi wese akashorwa
  18. Kunze kweuyo (dhiyabhorosi) anoda kuba kuteerera mashoko, uye naizvozvo oteverwa nenyenyedzi inemoto iri pachena
  19. Uye nyika takaiwaridza, uye tikadzika makomo akasimba mairi, uye tikaita kuti zvirimwa zvimere mairi nemuero wazvo
  20. Uye takava tinokuisirai mairi nzira dzekurarama nadzo, pamwe neizvo zvamusingakwanisi kupa chikafu (zvipfuwo nemhuka dzesango)
  21. Uye hapana chinhu, asi kwatiri ndiko kune kwekuchengetera kwacho. Uye hatichitumiri pasi asi nechipimo chinozivikanwa chakafanira
  22. Uye tinotumira mhepo ichibatanidza makore, uye toita kuti mvura inaye kubva kudenga, uye tokupai kuti mumwe, uye hamusi varidzi vepainochengeterwa (kuti muchipa mvura wamunoda uye kunyima wamunoda)
  23. Uye zvirokwazvo isusu! Tisu tinopa hupenyu nekukonzeresa rufu, uye tisu vagari venhaka
  24. Uye zvirokwazvo, tinoziva madzinza enyu ekutanga, uye tinoziva madzinza enyu aiyezvino, uye neavo vachauya mushure
  25. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachavaunganidza pamwechete. Zvechokwadi, ndivo vazere nehungwaru, neruzivo
  26. Uye zvirokwazvo, takasika vanhu kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana
  27. Uye maJinn, takamasika kare kubva kumoto usina hutsi
  28. Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakati kungirozi: “Zvirokwazvo, ndichasika munhu (Adam) kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.”
  29. “Saka naizvozvo, kana ndichinge ndapedza kumushongedza uye ndafemera maari mweya wandakamusikira, ivai munomupfugamira moisa zviso zvenyu pasi.”
  30. Naizvozvo ngirozi dzakava dzinopfugama nekuisa zviso zvadzo pasi pamwe chete
  31. Kusara kwa Iblees (Satani) akaramba kuva pakati peavo vanopfugama
  32. Allah vakati: “Iwe Iblees (Satani)! Chikonzero chako ndecheyi kuti usave pakati peavo vakapfugama?”
  33. (Satani) akati: “Hazviite kuti ndipfugamire munhu, uyo wamakasika kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.”
  34. (Allah) vakati: “Kana zvakadaro buda muno, zvirokwazvo, uri Rajeem (akashorwa).”
  35. “Uye zvirokwazvo, kutsamwa (kwaAllah) kuchange kuri pauri kusvika zuva rekutongwa.”
  36. (Satani) akati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo nguva kusvikira zuva rekutongwa (zuva ravachamutswa kubva kuvafi).”
  37. (Allah) vakati: “Zvirokwazvo, uri pakati peavo vakapihwa nguva.”
  38. “Kusvika zuva renguva yakatarwa.”
  39. (Satani) akati: “Tenzi vangu! Nechikonzero chekuti mandirasisa gwara, zvirokwazvo, ndichavashongedzera (vanhu) nzira dzezvakaipa panyika, uye ndichavatsaudza vose mugwara rakatwasuka.”
  40. “Kusara kwevaranda venyu vamakasarudza pakati pavo.”
  41. (Allah) vakati: “Iyi ndiyo nzira yakatwasuka inotungamira kwandiri.”
  42. “Zvirokwazvo, hauna masimba kune varanda vangu, kusara kweavo vanokutevera vanoita zvakaipa uye vasingatendi.”
  43. “Uye zvirokwazvo, Gehena ndiyo nzvimbo irikuvimbiswa kwavari vose (pamwe chete).”
  44. “Rine (Gehena) misuwo minomwe, musuwo wese kubva kwavari une boka (revatadzi) rakatarwa.”
  45. “Zvirokwazvo! Avo vanoita mabasa akanaka (Al-Muttaqqoon), vachange vari muminda uye nezvitubu zvemvura (Paradhiso).”
  46. “(Zvichanzi kwavari): ‘Pindai mariri (Paradhiso) murugare uye mukudzivirirwa.’”
  47. “Uye tichava tinobvisa kubva muhana dzavo shanje. Naizvozvo vachave vanotarisana semadzikoma vari pazvigaro.”
  48. “Hapana marwadzo achavawira imomo kana kubuditswa imomo.”
  49. Udza (Muhammad (SAW)) varanda vangu, kuti zvirokwazvo, inini ndiri muregereri zvikuru, ane nyasha zhinji
  50. Uye kuti zvirokwazvo marwadzo angu marwadzo akaomarara
  51. Uye vaudze nezve vaenzi (ngirozi) vaAbrahamu
  52. Pavakapinda maakanga ari, vakati: “Salaam (Rugare)!” (Abrahamu) akati: “Zvirokwazvo! Tirikukutyai.”
  53. (Ngirozi) dzikati: “Usatye! Zvirokwazvo, tiri kukupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo nehungwaru.”
  54. (Abrahamu) akati: “Muri kundipa mashoko akanaka (emwanakomana) ini ndachembera? Saka nhau yenyu ndeyeyi?”
  55. (Ngirozi) dzikati: “Tinokupa mashoko akanaka muchokwadi. Saka usave weavo vasina tarisiro.”
  56. (Abrahamu) akati: “Ndiani asina tarisiro yenyasha dzaTenzi vake kusara kweavo vakarasika?”
  57. (Abrahamu) akatizve: “Saka nyaya yenyu ndeipi, imi vatumwa?”
  58. (Ngirozi) dzikati: “Zvirokwazvo, tave tinotumwa kune vanhu vasingatendi (vanotadza).”
  59. “Kusara kwemhuri yaLut (Loti). Zvirokwazvo tichave tinovadzivirira (tinovanunura) vese (kubva mukuparadzwa).”
  60. “Kusara kwemukadzi wake, uyo takava tinotara zvirokwazvo kuti achave weavo vanosara mumashure (vanoparadzwa).”
  61. Naizvozvo vatumwa (ngirozi) pavakauya kune mhuri yaLut (Loti)
  62. (Loti) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivikanwi kwandiri.”
  63. (Ngirozi) Dzikati: “Asi tauya kwauri neizvo zvavaisatenda mazviri.”
  64. “Uye taunza chokwadi kwauri (nyaya yekuparadzwa kwevanhu vako), uye zvirokwazvo, tinotaura chokwadi.”
  65. “Saka chiva unofamba muchidimbu cheusiku nemhuri yako, uye iwe wotevera kumashure kwavo, uye pakati penyu ngapasave nemunhu anocheuka kumashure, asi endai kwamakakomekedzwa.”
  66. Uye takaita basa iri kuti rizivikamwe kwaari, kuti midzi yeavo (vatadzi) ichave inodamburwa mangwanani ngwanani
  67. Uye vagari vemudhorobha vakauya vachifara (nenyaya yemajaya ange auya aya)
  68. (Loti) Akati: “Zvirokwazvo, ava vaenzi vangu, saka musandinyadzisewo.”
  69. “Uye ityai Allah uye musave munondinyadzisa.”
  70. (Vagari vemudhorobha) vakati: “Hatina kukurambidza here kutambira (kana kudzivirira) vanhu?”
  71. (Loti) akati: “Ava vanasikana vangu (kana muchida kuroora zviri pamutemo), kana muchikwanisa kudaro.”
  72. Zvirokwazvo, ndinopika nehupenyu hwako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo varimukudhakwa vaingofamba
  73. Naizvozvo vakava vanoparadzwa neAs-Swaaihah (Ruzha) panguva dzemangwanani
  74. Uye takapindurudza (Sodom kuPalestine) tikaita kuti pamusoro paende pasi, uye tikave tinonaisa matombo akaumbwa nedhaka
  75. Zvirokwazvo, mukati meizvi mune micherechedzo kune avo vanoona
  76. Uye zvirokwazvo, maguta maviri aya akanga ari munzira hombe (kubva kuMakkah kuenda kuSyria, pane gungwa reDead Sea iyezvino)
  77. Zvokwadi, zvirokwazvo mune izvi mune mucherechedzo kune avo vanotenda
  78. Uye vagari vemusango (vekuMadyan (Midian)) avo vakatumirwa Muporofita Shuaib (AS)) vakanga vari vanhu vaiita zvakaipa
  79. Naizvozvo takatsiva nemutongo wakaomarara kwavari. Ari maviri ari munzira hombe iri pachena
  80. Uye zvirokwazvo, vagari vemu Al-Hijr (Nzvimbo ine matombo) vakaramba vatumwa
  81. Uye takavapa zviratidzo zvedu, asi vakazviramba
  82. Uye vaigadzira dzimba mumakomo, vachifunga kuti vakachengetedzeka
  83. Asi vakave vanoparadzwa neruzha munguva dzemangwanani (pazuva rechina kubva kumazuva vange vavimbiswa murango)
  84. Uye zvavaiwana hazvina kukwanisa kuvabatsira
  85. Hatina kusika matenga nenyika nezvese zviri pakati pazvo asi muzvokwadi, uye zvirokwazvo nguva ichakwana, saka naizvozvo iva (Muhammad (SAW)) unovaregerera mune zvakanaka. (Izvi zvange zvakadaro kurwa (munzira yaAllah) kusati kwakomekedzwa
  86. Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo musiki vanoziva zvese
  87. Uye zvirokwazvo, takupa Al-Mathaani (ndima nomwe dzinoramba dzichidzokorodzwa, Surah Al-Faatihah), pamwe neQur’aan hombe
  88. Usava zvirokwazvo unotarisa nemaziso ako aine ruchiva pane izvo zvatakapa mamwe mapoka avo (vasingatendi), uye usava unobatikana pamusoro pavo. Uye iva unodzikisa mapapiro ako kune avo vanotenda (kuvaremekedza)
  89. Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, inini ndiri muyambiri ari pachena.”
  90. Sekudzikisa kwatakaita kune avo vanopatsanura (maQuraish anonamata zvidhori, kana maJudha nemaKristu)
  91. Avo vakapatsanura Qur’aan muzvidimbu zvidumbu (vakatenda muzvimwe uye vakaramba zvimwe)
  92. Saka ndinopika naTenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, tichava tinovabvunza vese
  93. Maererano neizvo zvavaiita
  94. Naizvozvo paridza pachena zvawakakomekedzwa (Islaam), ova unosiyana neavo vasingatendi
  95. Zvirokwazvo! Tichava tinokukwanira kune avo vanokushoropodza
  96. Avo vanosanganisa Allah neumwe mwari; asi vachasvika pakuziva
  97. Zvirokwazvo, tinoziva kuti zvavanotaura zvinokubata-bata muhana mako
  98. Naizvozvo rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako uye ova pakati peavo vanopfugama
  99. Uye namata Tenzi vako kusvikira rufu rwauya kwauri