15.The Rock
- Alif – Laam – Raa. (Aya mavara ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah chete). Idzi ndidzo ndima dzeGwaro uye neQur’aan riri pachena
- Pamwe avo vasingatendi vanoshuvira kuti dai vanga vari maMuslim (avo vanozvipira kutevedzera mirawo yaAllah, Islaam)
- Vasiyei vadye pamwe nekufara, uye vasiyei vakazadzwa nechishuwo chenhema. Vachasvika pakuziva
- Hatina kuparadza musha asi wakanga une zvawakanyorerwa zvinozivikanwa
- Hapana dzinza rinokwanisa kuwedzera nguva yaro (yekurarama) kana kuinonotsa
- Uye vanoti: “Iwe (Muhammad (SAW)) wakapihwa Dhikr (Qur’aan)! Zvirokwazvo, uri murume anopenga!”
- “Ko sei usingauyi nengirozi kwatiri kana uri pachokwadi?”
- Hatitumire ngirozi pasi asi nechokwadi (murango), uye ipapo havambopihwi (vasingatendi) nguva yekurarama
- Zvirokwazvo, tisu takadzikisa Dhikr (Qur’aan), uye zvirokwazvo, tisu ticharichengetedza (kubva mukuchinjwa)
- Zvirokwazvo, takatumira vatumwa iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) kumapoka ekutanga
- Uye muporofita haana kusvika kwavari asi vaiita zvedambe naye
- Saizvozvo tinoita (kusatenda nekusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakuvanamata) kuti zvipinde mumoyo yeavo vasingatendi
- Havambotendi mariri (Qur’aan), uye mucherechedzo wemadzitateguru (murango wavo) wakatopfuura
- Kunyangwe dai takavazarurira musuwo kudenga uye voramba vachikwira (zuva rese)
- Zvirokwazvo vaizoti (manheru): “Meso edu aita kunge avhiringwa (hatina kumboona ngirozi kana denga). Pamwe tiri vanhu vakaroiwa.”
- Zvirokwazvo, takava tinoisa nyenyedzi hombe mudenga uye tikarishongedza kune avo vanoritarisa
- Uye takava tinorichengetedza kubva kuna dhiyabhorosi wese akashorwa
- Kunze kweuyo (dhiyabhorosi) anoda kuba kuteerera mashoko, uye naizvozvo oteverwa nenyenyedzi inemoto iri pachena
- Uye nyika takaiwaridza, uye tikadzika makomo akasimba mairi, uye tikaita kuti zvirimwa zvimere mairi nemuero wazvo
- Uye takava tinokuisirai mairi nzira dzekurarama nadzo, pamwe neizvo zvamusingakwanisi kupa chikafu (zvipfuwo nemhuka dzesango)
- Uye hapana chinhu, asi kwatiri ndiko kune kwekuchengetera kwacho. Uye hatichitumiri pasi asi nechipimo chinozivikanwa chakafanira
- Uye tinotumira mhepo ichibatanidza makore, uye toita kuti mvura inaye kubva kudenga, uye tokupai kuti mumwe, uye hamusi varidzi vepainochengeterwa (kuti muchipa mvura wamunoda uye kunyima wamunoda)
- Uye zvirokwazvo isusu! Tisu tinopa hupenyu nekukonzeresa rufu, uye tisu vagari venhaka
- Uye zvirokwazvo, tinoziva madzinza enyu ekutanga, uye tinoziva madzinza enyu aiyezvino, uye neavo vachauya mushure
- Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachavaunganidza pamwechete. Zvechokwadi, ndivo vazere nehungwaru, neruzivo
- Uye zvirokwazvo, takasika vanhu kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana
- Uye maJinn, takamasika kare kubva kumoto usina hutsi
- Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakati kungirozi: “Zvirokwazvo, ndichasika munhu (Adam) kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.”
- “Saka naizvozvo, kana ndichinge ndapedza kumushongedza uye ndafemera maari mweya wandakamusikira, ivai munomupfugamira moisa zviso zvenyu pasi.”
- Naizvozvo ngirozi dzakava dzinopfugama nekuisa zviso zvadzo pasi pamwe chete
- Kusara kwa Iblees (Satani) akaramba kuva pakati peavo vanopfugama
- Allah vakati: “Iwe Iblees (Satani)! Chikonzero chako ndecheyi kuti usave pakati peavo vakapfugama?”
- (Satani) akati: “Hazviite kuti ndipfugamire munhu, uyo wamakasika kubva kuivhu rakaoma rakasiyana-siyana.”
- (Allah) vakati: “Kana zvakadaro buda muno, zvirokwazvo, uri Rajeem (akashorwa).”
- “Uye zvirokwazvo, kutsamwa (kwaAllah) kuchange kuri pauri kusvika zuva rekutongwa.”
- (Satani) akati: “Tenzi vangu! Ndipeiwo nguva kusvikira zuva rekutongwa (zuva ravachamutswa kubva kuvafi).”
- (Allah) vakati: “Zvirokwazvo, uri pakati peavo vakapihwa nguva.”
- “Kusvika zuva renguva yakatarwa.”
- (Satani) akati: “Tenzi vangu! Nechikonzero chekuti mandirasisa gwara, zvirokwazvo, ndichavashongedzera (vanhu) nzira dzezvakaipa panyika, uye ndichavatsaudza vose mugwara rakatwasuka.”
- “Kusara kwevaranda venyu vamakasarudza pakati pavo.”
- (Allah) vakati: “Iyi ndiyo nzira yakatwasuka inotungamira kwandiri.”
- “Zvirokwazvo, hauna masimba kune varanda vangu, kusara kweavo vanokutevera vanoita zvakaipa uye vasingatendi.”
- “Uye zvirokwazvo, Gehena ndiyo nzvimbo irikuvimbiswa kwavari vose (pamwe chete).”
- “Rine (Gehena) misuwo minomwe, musuwo wese kubva kwavari une boka (revatadzi) rakatarwa.”
- “Zvirokwazvo! Avo vanoita mabasa akanaka (Al-Muttaqqoon), vachange vari muminda uye nezvitubu zvemvura (Paradhiso).”
- “(Zvichanzi kwavari): ‘Pindai mariri (Paradhiso) murugare uye mukudzivirirwa.’”
- “Uye tichava tinobvisa kubva muhana dzavo shanje. Naizvozvo vachave vanotarisana semadzikoma vari pazvigaro.”
- “Hapana marwadzo achavawira imomo kana kubuditswa imomo.”
- Udza (Muhammad (SAW)) varanda vangu, kuti zvirokwazvo, inini ndiri muregereri zvikuru, ane nyasha zhinji
- Uye kuti zvirokwazvo marwadzo angu marwadzo akaomarara
- Uye vaudze nezve vaenzi (ngirozi) vaAbrahamu
- Pavakapinda maakanga ari, vakati: “Salaam (Rugare)!” (Abrahamu) akati: “Zvirokwazvo! Tirikukutyai.”
- (Ngirozi) dzikati: “Usatye! Zvirokwazvo, tiri kukupa mashoko akanaka emwanakomana ane ruzivo nehungwaru.”
- (Abrahamu) akati: “Muri kundipa mashoko akanaka (emwanakomana) ini ndachembera? Saka nhau yenyu ndeyeyi?”
- (Ngirozi) dzikati: “Tinokupa mashoko akanaka muchokwadi. Saka usave weavo vasina tarisiro.”
- (Abrahamu) akati: “Ndiani asina tarisiro yenyasha dzaTenzi vake kusara kweavo vakarasika?”
- (Abrahamu) akatizve: “Saka nyaya yenyu ndeipi, imi vatumwa?”
- (Ngirozi) dzikati: “Zvirokwazvo, tave tinotumwa kune vanhu vasingatendi (vanotadza).”
- “Kusara kwemhuri yaLut (Loti). Zvirokwazvo tichave tinovadzivirira (tinovanunura) vese (kubva mukuparadzwa).”
- “Kusara kwemukadzi wake, uyo takava tinotara zvirokwazvo kuti achave weavo vanosara mumashure (vanoparadzwa).”
- Naizvozvo vatumwa (ngirozi) pavakauya kune mhuri yaLut (Loti)
- (Loti) Akati: “Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivikanwi kwandiri.”
- (Ngirozi) Dzikati: “Asi tauya kwauri neizvo zvavaisatenda mazviri.”
- “Uye taunza chokwadi kwauri (nyaya yekuparadzwa kwevanhu vako), uye zvirokwazvo, tinotaura chokwadi.”
- “Saka chiva unofamba muchidimbu cheusiku nemhuri yako, uye iwe wotevera kumashure kwavo, uye pakati penyu ngapasave nemunhu anocheuka kumashure, asi endai kwamakakomekedzwa.”
- Uye takaita basa iri kuti rizivikamwe kwaari, kuti midzi yeavo (vatadzi) ichave inodamburwa mangwanani ngwanani
- Uye vagari vemudhorobha vakauya vachifara (nenyaya yemajaya ange auya aya)
- (Loti) Akati: “Zvirokwazvo, ava vaenzi vangu, saka musandinyadzisewo.”
- “Uye ityai Allah uye musave munondinyadzisa.”
- (Vagari vemudhorobha) vakati: “Hatina kukurambidza here kutambira (kana kudzivirira) vanhu?”
- (Loti) akati: “Ava vanasikana vangu (kana muchida kuroora zviri pamutemo), kana muchikwanisa kudaro.”
- Zvirokwazvo, ndinopika nehupenyu hwako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo varimukudhakwa vaingofamba
- Naizvozvo vakava vanoparadzwa neAs-Swaaihah (Ruzha) panguva dzemangwanani
- Uye takapindurudza (Sodom kuPalestine) tikaita kuti pamusoro paende pasi, uye tikave tinonaisa matombo akaumbwa nedhaka
- Zvirokwazvo, mukati meizvi mune micherechedzo kune avo vanoona
- Uye zvirokwazvo, maguta maviri aya akanga ari munzira hombe (kubva kuMakkah kuenda kuSyria, pane gungwa reDead Sea iyezvino)
- Zvokwadi, zvirokwazvo mune izvi mune mucherechedzo kune avo vanotenda
- Uye vagari vemusango (vekuMadyan (Midian)) avo vakatumirwa Muporofita Shuaib (AS)) vakanga vari vanhu vaiita zvakaipa
- Naizvozvo takatsiva nemutongo wakaomarara kwavari. Ari maviri ari munzira hombe iri pachena
- Uye zvirokwazvo, vagari vemu Al-Hijr (Nzvimbo ine matombo) vakaramba vatumwa
- Uye takavapa zviratidzo zvedu, asi vakazviramba
- Uye vaigadzira dzimba mumakomo, vachifunga kuti vakachengetedzeka
- Asi vakave vanoparadzwa neruzha munguva dzemangwanani (pazuva rechina kubva kumazuva vange vavimbiswa murango)
- Uye zvavaiwana hazvina kukwanisa kuvabatsira
- Hatina kusika matenga nenyika nezvese zviri pakati pazvo asi muzvokwadi, uye zvirokwazvo nguva ichakwana, saka naizvozvo iva (Muhammad (SAW)) unovaregerera mune zvakanaka. (Izvi zvange zvakadaro kurwa (munzira yaAllah) kusati kwakomekedzwa
- Zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo musiki vanoziva zvese
- Uye zvirokwazvo, takupa Al-Mathaani (ndima nomwe dzinoramba dzichidzokorodzwa, Surah Al-Faatihah), pamwe neQur’aan hombe
- Usava zvirokwazvo unotarisa nemaziso ako aine ruchiva pane izvo zvatakapa mamwe mapoka avo (vasingatendi), uye usava unobatikana pamusoro pavo. Uye iva unodzikisa mapapiro ako kune avo vanotenda (kuvaremekedza)
- Iti (Muhammad (SAW)): “Zvirokwazvo, inini ndiri muyambiri ari pachena.”
- Sekudzikisa kwatakaita kune avo vanopatsanura (maQuraish anonamata zvidhori, kana maJudha nemaKristu)
- Avo vakapatsanura Qur’aan muzvidimbu zvidumbu (vakatenda muzvimwe uye vakaramba zvimwe)
- Saka ndinopika naTenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, tichava tinovabvunza vese
- Maererano neizvo zvavaiita
- Naizvozvo paridza pachena zvawakakomekedzwa (Islaam), ova unosiyana neavo vasingatendi
- Zvirokwazvo! Tichava tinokukwanira kune avo vanokushoropodza
- Avo vanosanganisa Allah neumwe mwari; asi vachasvika pakuziva
- Zvirokwazvo, tinoziva kuti zvavanotaura zvinokubata-bata muhana mako
- Naizvozvo rumbidza kurumbidzwa kwaTenzi vako uye ova pakati peavo vanopfugama
- Uye namata Tenzi vako kusvikira rufu rwauya kwauri