23.The Believers

  1. Zvirokwazvo vatendi ndivo vakabudirira
  2. Avo vanoita minamato yavo yose vachitya uye kuzvipira
  3. Uye avo vanofuratira manyepo (nehutsvina neizvo zvose zvakarambidzwa naAllah)
  4. Uye avo vanopa Zakaah (zvipo kune vanhu vanotambura)
  5. Uye avo vanochengetedza nhengo dzavo dzakavandika (kubva mune chehupombwe)
  6. Kunze kune vakadzi vavo kana varanda kadzi avo vavanochengeta vari mumaoko avo, nokudaro vari kure nekushoropodzwa
  7. Asi uyo anoda zvakadarika izvi, nokudaro avo vatadzi chose (vanopfurikidza mirairo)
  8. Uye avo vanochengetedza zvivimbiso zvavo (zvese zvakakomekedzwa naAllah) uyezve nezvibvumirano zvavo
  9. Uye avo vanochengetedza minamato yavo mishanu (5) nenguva dzakatarwa
  10. Avo ndivo vagari venhaka yemangwana
  11. Vachava vanogara nhaka yeParadhiso (Firdaus). Umo vachagara zvachose
  12. Uye zvirokwazvo takave tinosika munhu (Adam) kubva muvhu remutapo (mvura nevhu)
  13. Pedzezvo takave tinomuita kuti (vana vaAdam) ave Nutfah (musanganiswa wemvura dzechirume nedzechikadzi uye tikave tinougadzika) panzvimbo yakachengetedzeka (munhumbu yemukadzi)
  14. Pedzezvo takave tinoita Nutfah (musanganiswa wemvura yababa naamai) kuti ive godo reropa, tikave tinoita godo reropa kuti rive chidimbu chenyama, tikave tinogadzira mapfupa kubva muchidimbu chenyama, tikave tinoshongedza mapfupa nenyama, uye tikave tinochiunza sechimwe chisikwa. Naizvozvo makomborero nde aAllah musiki akanaka
  15. Uye mushure maizvozvo, zvirokwazvo, muchave munofa
  16. Uye zvirokwazvo, pazuva reQiyaamah (Kumutswa) muchave munomutswa
  17. Uye zvirokwazvo, takave tinosika pamusoro penyu matenga manomwe (rimwe pamusoro perimwe), uyezve hatimborivari zvisikwa zvedu
  18. Uye tinodzikisa mvura kubva kudenga nesimba (redu), toiita kuti ive nenzvimbo yekugara pano pasi, uye zvirokwazvo, tine simba rekuitora (mvura)
  19. Uye tinokukudzirai nayo mapindu emadheti nemagirepu, muine michero mizhinji yenyu, iyo yamunodya
  20. Uye muti (weOrivhi) unomera mugomo reSinai, unoburitsa mafuta, uye muriwo kune avo vanodya
  21. Uye zvirokwazvo kubva mumhuka (mombe) mune chidzidzo kwamuri. Tinokupai kuti munwe izvo zviri mumatumbu adzo (mukaka). Uye madziri mune zvizhinji zvinokubatsirai, uye kubva kwadziri munodya
  22. Uye pamusoro padzo (mhuka) uye ngarava munova munotakurwa (munzendo dzamunofamba)
  23. Uye zvirokwazvo takave tinotuma Nowa kuvanhu vake, akave anotaura kuti: “Imi vanhu vangu! Namatai Allah! Hamuna vamwe mwari kusara kwavo. Saka hamuve munovatya here?”
  24. Asi madzimambo asingatendi pakati pevanhu vake vakataura kuti: “Uyu murume (munhu) akafananawo nemi, uye ari kuda kuva pamusoro penyu. Uye dai Allah vaida (kutumira mutumwa), zvirokwazvo vaitumira ngirozi. Hatisati tambonzwa zvakadai kubva kumadzibaba edu (madzitateguru edu).”
  25. “Uyu murume ari kupenga, saka chimbomirai maererano nezvake kwekanguva kadiki.”
  26. Nowa akati: “Tenzi vangu! Ivai munonditsigira nekuti vave vanondiramba.”
  27. Saka takave tinotaura (tinotumira) kwaari (kuti): “Vaka ngarava uri pasi pemeso edu uye nemashoko edu. Uye kana mutsigo wedu wauya, uye mvura yatanga kubuda kubva muchitofu, isa mungarava kubva kuchisikwa chimwe nechimwe zviviri zviviri (chirume nechikadzi), uye nemhuri yako, kusara kweavo kubva kwavari vakave vanotarwa kuti vachave vanoparadzwa. Uye usave unotaura neni maererano neavo vakave vanotadza. Zvirokwazvo, vari kuva vanonyudzwa.”
  28. “Uye kana mapinda mungarava, iwe neavo vanewe, taura kuti: ‘Rumbidzo ngaive kuna Allah, avo vatidzivirira kubva kune vanhu vanotadza.’”
  29. “Uye taura kuti: ‘Tenzi vangu! Itai kuti tive tinomira panzvimbo yakakomborerwa, uye ndimi munokwanisa kutiburutsa zvakanaka.’”
  30. Zvirokwazvo, mazviri (zvatakaita vanhu vaNowa) mune zviratidzo, uye zvirokwazvo, tinogara tichiedza varanda vedu
  31. Uye takave tinosika vamwe vanhu mushure mavo
  32. Uye takatuma mutumwa kubva kwavari achitaura kuti: “Namatai Allah! Hamuna umwe mwari kusara kwavo. Saka hamuvi munotya here (kuti vachakurangai kana mukanamata zvimwe zvinhu)?”
  33. Uye avo vakakwirira (vapfumi, vatongi) pakati pevanhu vake avo vasina kutenda, uye vakaramba kuti kuchasanganwa mushure mekufa, uye takavapa kugarika kwehupenyu hwepasi, vakataura kuti: “Uyu haasi (chimwe chinhu) asi kuti murume akafananawo nemi. Anodya izvo zvamunodyawo, uye anonwa izvo zvamunonwa.”
  34. “Uye kana mukateerera munhu (murume) akaitawo semi, zvirokwazvo, muchava munorasikirwa.”
  35. “Anokuvimbisai here kuti kana mafa mova munoita ivhu nemapfupa, kuti muchave munomutswa (zvakare)?”
  36. “Zviri kure, zviri kure, izvo zvamunovimbiswa!”
  37. “Hapana chiripo kusara kwehupenyu hwedu hwepasi rino, tichafa uye tinorarama! Asi hative tinomutswa zvakare (mushure mekufa)!”
  38. “Haasi umwe munhu asi kuti murume aronga manyepo pamusoro paAllah, uye hatimbofi takatenda maari.”
  39. Akataura kuti: “Tenzi vangu! Nditsigirei nokuti vave vanondiramba.”
  40. (Allah) vakataura kuti: “Munguva shoma, zvirokwazvo vachave vanodemba.”
  41. Nokudaro murango wakavaparadza muchokwadi, uye takaita kuti vave marara sezvidyarwa zvakafa. Nokudaro ngavave kure avo vanhu vanotadza
  42. Uye takasika mamwe marudzi mushure mavo
  43. Hakuna rudzi (vanhu) rungaita kuti nguva yavo ikasire, kana kuve inonoka
  44. Uye takave tinotumira vatumwa vedu vachiteverana (umwe mushure memumwe). Nguva dzose paiuya mutumwa wavo kune boka revanhu, vaimuramba; nokudaro takave tinoita kuti vave vanoteverana mukuparadzwa, uye takave tinoita kuti vave nyaya (pakati pevanhu sechidzidzo). Saka ngavave kure avo vanhu vsingatendi
  45. Uye takave tinotuma Musa nemukoma wake Haaroon (Aroni) nezviratidzo zvedu uye nemasimba ari pachena
  46. Kuna Farawo nemakurukota ake, asi vakave vanozvitutumadza, uye vakave vanhu vanozvikudza
  47. Uye vakataura kuti (Farawo nemakurukota ake): “Tingatenda here mune varume vaviri vakaita sesu, avo vekuti rudzi rwavo varanda vedu?”
  48. Vakave vanovaramba vose (vari vaviri), uye vakave veavo vakaparadzwa
  49. Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro, kuti zvimwe vangave vanotungamirwa
  50. Uye takave tinoita mwanakomana waMariya uye naamai vake chiratidzo, uye takavachengetedza panzvimbo yakakwirira, nzvimbo yekuzorora, ine chengetedzo uye mvura inoerera
  51. (Allah vakataura kuti): “Imi vatumwa! Idyai zvakachena, mova munoita mabasa akanaka. Zvirokwazvo, ndinoziva zvikuru zvose zvamunoita.”
  52. “Uye zvirokwazvo, ichi chitendero chenyu (Islaam) chimwe chete, uye ndini Tenzi venyu. Nokudaro, ivai munonditya.”
  53. Asi (vanhu) vakave vanopatsanura chitendero chavo pakati pavo mumapoka-poka, boka rimwe nerimwe (boka rose) richifara nezvarinazvo
  54. Saka vasiyei mukurasika kwavo kwekanguva
  55. Vanofunga here kuti kuvawedzera muhupfumi nevana
  56. Kuti tirikuvapa zvakanaka nekukurumidza? Kwete! (Asi muedzo pasi pano kuti vasave nemugove muhupenyu hwemangwana) asi havazvifungi
  57. Zvirokwazvo, avo vanotya Tenzi vavo vakangwarira
  58. Uye avo vanotenda muzviratidzo zvaTenzi vavo
  59. Uye avo vasingasanganisi Tenzi vavo nechimwe chinhu (mukunamata)
  60. Uye avo vanopa (Swadaqah) zvavanopa moyo yavo izere nokutya (kuti zvatambirwa here kana kuti kwete), nokuti vachave zvirokwazvo vanodzokera kuna Tenzi vavo
  61. Ndeavo vanomhanyira kumabasa akanaka, uye ndivo vekutanga maari
  62. Uye hatikomekedzi munhu kusara kweizvo zvaanogona, uye tine gwaro rinotaura chokwadi, uye havave vachatadzirwa
  63. Asi moyo yavo yakaputirwa kubva kwariri (Qur’aan, kurinzwisisa), uye vane mabasa mamwe (akaipa) kusara kweayo avari kuita
  64. Kusvika taparadza vapfumi pakati pavo nemurango (vasingatarisiri); tarisai, vanova vanochema neizwi riripamusoro (kuna Allah) vachida rubatsiro
  65. Musacheme neizwi riripamusoro nhasi! Zvirokwazvo, hamuve munobatsirwa nesu
  66. Zvirokwazvo, ndima dzangu dzakave dzinoverengwa kwamuri, asi imi maifuratira nezvitsitsinho zvenyu (muchidziramba)
  67. Muchizvitutumadza, muchitaura usiku zvakashata pamusoro paro (Qur’aan)
  68. Uye havave here vanodzamisa pfungwa dzavo pamusoro peshoko (raAllah, Qur’aan), kana kuti kwakauya kwavari izvo zvisina kuuya kune madzitateguru avo
  69. Kana kuti havazivi mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), saka vachimuramba
  70. Kana kuti vanotaura (kuti): “Ane kupenga maari?” Asi akavawunzira chokwadi (Islaam), asi vazhinji vavo (vasingatendi) vanoramba chokwadi
  71. Asi dai chokwadi chakatevera izvo zvavanoshuvira, zvirokwazvo, matenga uye nepasi uye avo vari mazviri zvaidai zvisina kumira zvakanaka (zvaishata)! Asi tavaunzira yeuchidzo yavo, asi ivo vanofuratira yeuchidzo yavo
  72. Kana kuti iwe (Muhammad (SAW)) unovabvunza mubairo? Asi mubairo waTenzi vako ndiwo wakanaka, uye ndivo (Tenzi vako) nyanzvi pakupa raramo
  73. Uye zvirokwazvo, unovakoka (Muhammad (SAW)) kunzira yakatwasuka (Islaam)
  74. Asi zvirokwazvo, avo vasingatendi muhupenyu huri mushure mekufa, vari zvirokwazvo kubva munzira yakatwasuka (Islaam)
  75. Uye nyangwe tikavapa tsitsi uye tobvisa matambudziko ari pavari, vanoramba vachingoita zvitadzo zvavo, vachidzungaira vasingadi (chokwadi, vachiita nokusaziva)
  76. Uye takave tinovabata nemarwadzo (tinovatumira seyambiro), asi havana kuva vanozvininipisa kuna Tenzi vavo, uye havana kusheedza (Allah) vachizvipira kwavari
  77. Kusvikira tavavhurira gonhi remarwadzo makuru, nenguva diki vachange varimo vachishungurudzika
  78. Uye ndivo (Allah) vakakugadzirirai kunzwa (nzeve), nokuona (maziso), uye moyo (kufunga kwakakwana). Asi kashoma pamunopa kutenda
  79. Uye ndivo (Allah) vanokusikai panyika, uye kwavarizve muchaunganidzwa
  80. Uye ndivo (Allah) vanopa upenyu uye vokonzera kufa, uye kupindana (kupesana) kweusiku nemasikai ndekwavo (Allah). Saka hamunzwisisiwo here
  81. Asi vanotaura sematauriro evanhu vokutanga ivo vasati vavapo
  82. Vakataura kuti: “Kana tafa tova ivhu nemapfupa, tichamutswa here zvechokwadi?”
  83. “Zvirokwazvo, takavimbiswa izvi isu nemadzibaba edu kumashure! Izvi hazvisi chimwe chinhu kusara kwengano dzeavo vaivapo kare!”
  84. Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Ndiani muridzi wenyika uye wese arimo, kana muchiziva?”
  85. Vachataura kuti: “NdiAllah!” Taura kuti: “Saka hamurangarire here?”
  86. Taura kuti: “Ndiani Tenzi vematenga manomwe, uye Tenzi vechigaro chikuru?”
  87. Vachataura kuti: “Allah.” Taura kuti: “Saka hamuvatyi here?”
  88. Taura kuti: “Mumaoko ani mune ushe wezvinhu zvose? Uye vanodzivirira asi ivo hapana anovadzivirira kana muchiziva?”
  89. Vachataura kuti: “(Zvese) ndezva Allah.” Taura kuti: “Saka sei muchinyengedzwa muchitendeukira chokwadi?”
  90. Asi tavaunzira chokwadi (Islaam), asi ivo (vasingatendi) zvirokwazvo vanyepi
  91. Allah havana mwanakomana (kana sikana), kana kuti kune umwe mwari navo. (Dai varipo vanamwari vakawanda), umwe neumwe mwari aizotora izvo zvaakasika, uye vamwe vavo vaizoedza kukunda vamwe. Mukuru ndiAllah vari pamusoro peizvo zvavanovatsanangudza nazvo
  92. (Ndivo) vanoziva izvo zvisingaoneki uye izvo zvinooneka! Saka mukuru ndivo pamusoro peizvo zvavanomusanganisa nazvo
  93. Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Tenzi vangu! Dai mandiratidza izvo zvavakavimbiswa (murango).”
  94. “Tenzi vangu! Saka (ndinunurei kubva kumurango wenyu), musandiise pakati peavo vanhu vanotadza.”
  95. Uye zvirokwazvo tinokwanisa kukuratidza (Muhammad (SAW)) izvo zvatinovavimbisa
  96. Dzivirira zvivi neicho chiri nani. Isu tisu tinoziva izvo zvavanovasanangudza nazvo
  97. Uye taura kuti: “Tenzi vangu! Ndokumbirawo ruponeso kwamuri kubva kune ruzeve-zeve rwemaShayaatween (vanadhiyabhorosi).”
  98. “Uye ndinokumbira ruponeso maMuri, Tenzi vangu, nyangwe vakavapo pedyo neni.”
  99. Kusvikira rufu rwauya kune umwe wavo (weavo vasingatendi), anotaura kuti: “Tenzi vangu! Ndidzorereizve (panyika).”
  100. “Kuti ndinoita mabasa akanaka awo andisina kuita kumashure!” Kwete! Mashoko chete aari kutaura; uye kumberi kwavo kune Barzakh (Chidziviso) kusvikira zuva ravachamutswa (kubva kuvafi)
  101. Uye kana hwamanda yaridzwa, hapana hukama uchange huripo pakati pavo pazuva iroro, uye hapana achabvunza umwe pamusoro peumwe
  102. Uye avo miyero yavo icharema (nezvakanaka), ndivo avo vachabudirira
  103. Asi avo miyero yavo ichareruka, ndivo vanhu vakazvirasisa pachavo, uye vachava vagari vemuGehena nekusingaperi
  104. Moto uchapisa zviso zvavo, uye varimo vachasara vakanyenama (miromo yavo yatsva)
  105. (Kuchataurwa) kuti: “Ndima dzangu hadzina kuverengwa kwamuri here, uye maidziramba?”
  106. Vachataura kuti: “Tenzi vedu! Kushata kwedu kwave kunotikurira, uye taive vanhu vakarasika.”
  107. “Tenzi vedu! Tiburitsei mazviri. Uye tikava tinodzekera (kumabasa akaipa), zvirokwazvo, tinenge tiri vanhu vanotadza.”
  108. Vachataura (Allah) kuti: “Rambai murimo makadzikisirwa, uye musave munotaura neni!”
  109. Zvirokwazvo, paiva neboka revaranda vangu vaitaura kuti: “Tenzi vedu! Tinotenda, saka tiregererei, uye mova munotinzwira tsitsi, uye ndimi nyanzvi kukunda vese pakunzwira tsitsi!”
  110. “Asi makavatora sechisekwa, kusvikira vakuitai kuti mukanganwe rangariro yangu muchivaseka!”
  111. “Zvirokwazvo, ndavapa makomborero muzuva ranhasi nekuda kwekutsungirira kwavo, kuti zvirokwazvo ndivo vanhu vakabudirira.”
  112. (Allah) vachataura kuti: “Makagara makore mangani panyika?”
  113. Vachataura kuti: “Takagara zuva rimwe chete kana chidimbu chezuva. Bvunzai avo vanoverenga.”
  114. (Allah) vachataura kuti: “Hamuna kugara kusara kwekanguva kadiki kana muchiziva!”
  115. “Maifunga kuti takakusikai sedambe (pasina chinangwa), uye kuti hamusi kuzodzoswa kwatiri (Allah).”
  116. Saka mukuru ndiAllah, Mambo vechokwadi! Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna umwe mwari anekodzero yekunamatwa kusara kwavo), Tenzi wechigaro chitsvene
  117. Uye uyo anonamata umwe mwari kusara kwaAllah asina humboo (nazvo), zvino zvirokwazvo mutongo wake huna Tenzi vake. Zvirokwazvo, avo vasingatendi havabudiriri
  118. Uye (iwe Muhammad (SAW)) taura kuti: “Tenzi vangu! Regererai uye ivai netsitsi, uye ndimi nyanzvi inokunda vese pakunzwira tsitsi!”