8.The Spoils of War

  1. Vanokubvunza (Muhammad (SAW)) maererano nemhimbiri. Iti: “Mhimbiri ndeyaAllah nemutumwa wavo (SAW).” Naizvozvo ityai Allah uye mugadzirise musiyano pakati penyu, uye ivai munoteerera Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), kana muri vatendi vechokwadi
  2. Zvirokwazvo, vatendi ndeavo vanoti vakanzwa zita raAllah richitaurwa, moyo yavo inozadzwa nokutya, uye kana ndima dzavo dzikaverengwa kwavari dzinovawedzera mukutenda kwavo, uye vanovimba naTenzi vavo
  3. Avo vanoita Swalaah (Munamato) uye vanopa kubva mune izvo zvatakavapa
  4. Ava ndivo vanotenda muchokwadi. Vachawana zvidanho zveukuru kubva kuna Tenzi vavo, uye ruregerero uye raramo yakanaka (Paradhiso)
  5. Sokuita kwakaita Tenzi vako (Muhammad (SAW)) kuti uve unobuda mumba mako muchokwadi; kunyangwe zvazvo chidimbu cheavo vanotenda chisina kuzvifarira
  6. Vanopokana newe maererano nechokwadi mushure mekunge chabuda pachena, sokunge varikuendeswa kunofa vachizviona
  7. Uye (rangarirai) apo Allah vakakuvimbisai chimwechete chezviviri pamapoka maviri (emhandu dzenyu, mauto kana ngoro yezvitengeswa, kukunda kana kuwana mhimbiri) kuti zvive zvenyu; uye makashuvira kuti boka risina simba (ngoro yezvitengeswa) rive renyu, asi Allah vakada kuburitsa chokwadi pachena nemashoko avo uye kugura midzi yevasingatendi (paHondo yeBadr)
  8. Kuti ivo vaburitse chokwadi uye kuti manyepo ashaye basa, kunyangwe zvazvo vasingatendi vakazvivenga
  9. (Rangarirai) apo pamakakumbira rubatsiro kuna Tenzi venyu, uye vakakupindurai vachiti: “Ndichakubatsirai nechiuru chengirozi dzichiteverana.”
  10. Allah vakaita kuti rive rombo rakanaka, uye kuti moyo yenyu ive inozorora naro. Uye hakuna kukunda kunze kwekuti kuchibva kuna Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo samasimba, vane hungwaru hwese
  11. (Rangarirai) apo vakaita kuti murare (kubatwa nehope) sechengetedzo kubva kwavari, uye vakakutumirai mvura kubva kudenga kuti ikuchenurei, uye igobvisa hutsvina hwaDhiyabhorosi mukati menyu, uye kusimbisa moyo yenyu, uye kusimbisa makumbo enyu
  12. (Rangarira) apo Tenzi vako vakaudza ngirozi (kuti): “Zvirokwazvo ndinemi, nokudaro simbisai vatendi. Ndichaisa kutya mumoyo yevasingatendi, nokudaro damburai huro pamwe nezvigunwe zvavo.”
  13. Izvi ndizvo nokuda kwekuti vaipikisa Allah nemutumwa wavo (SAW). Uye uyo anopikisa Allah nemutumwa wavo (SAW), zvirokwazvo, Allah vane mutongo unorwadza
  14. Uyu ndiwo (mutongo), nokudaro uravirei; uye nekuti zvirokwazvo vasingatendi vachawana mutongo weGehena
  15. Imi vatendi! Pamunosangana neavo vasingatendi, muhondo, musafuratire (kutiza)
  16. Uye uyo anofuratira kubva kwavari muzuva iri, kunze kwekuti uri hurongwa hwehondo, kana kudzoka kune vamwe vake (mauto), zvirokwazvo anenge azviunzira kutsamwa kwaAllah. Uye musha wake iGehena, uye zvirokwazvo ndiwo magumo akaipa
  17. Hamuna kuvauraya, asi Allah ndivo vakavauraya. Uye (iwe Muhammad (SAW)) hauna kukanda paya pawakakanda, asi Allah ndivo vakakanda, kuitira kuti vagoedza vatendi nemuedzo wakafanira kubva kwavari (Allah). Zvirokwazvo, Allah ndivo vanonzwa zvese, ndivo vanoziva zvose
  18. Ichi (ndicho chokwadi), uye zvirokwazvo, Allah vano gombedza chizengezano chevasingatendi
  19. (Imi vasingatendi) kana mukakumbira mutongo, zvirokwazvo zvino mutongo wazouya kwamuri; naizvozvo kana mukasiya (zvakaipa), zvakanaka kwamuri, asi kana mukadzokera (kunorwa), saka isu tichadzoka, uye mauto enyu haambokudzivirirai, zvisinei nehuhwandu hwavo; uye zvirokwazvo, Allah vane vatendi
  20. Imi vanotenda! Teererai Allah nemutumwa wavo (SAW), uye musamufuratira (Muhammad (SAW) asi imi muchinzwa
  21. Uye musafanane neavo vanoti: “Tanzwa,” asi ivo vasinganzwi
  22. Zvirokwazvo, dinhidza (rakaipa) pazvisikwa zvinorarama kuna Allah ndeavo vasinganzwi nevasingataure, avo vasinganzwisise (zvireva, vasingatendi)
  23. Dai Allah vakaziva (chero) chakanaka mavari, zvirokwazvo, vangadai vakavaita kuti vateerere; uye kunyangwe dai vakavaita kuti vateerere vaizongofuratira vachipokana (nechokwadi)
  24. Imi vanotenda! Pindurai Allah (kuburikidza nekuvateerera) uye nemutumwa (SAW) kana akakudaidzai kune izvo zvinokupai hupenyu, uye moziva kuti Allah vanouya pakati pemunhu nemoyo wake (vanodzivisa munhu akaipa mukuita zvaanoda). Uye zvirokwazvo, kwavari ndiko kwamuchaunganidzwa mose
  25. Uye ityai muedzo usingazobati avo vanotadza chete (asi unokwanisa kubata vese vakanaka nevakaipa), uye zivai kuti Allah vanotonga zvinorwadza
  26. Uye rangarirai apo pamakange muri vashoma uye makagomberedzwa panyika, uye muchitya kuti pamwe vanhu vangakutapai, asi (Allah) vakakugadzirirai nzvimbo yakachengetedzeka, vakakusimbisai nerubetsero rwavo, uye vakakupai zvinhu zvakanaka kuitira kuti pamwe mungatenda
  27. Imi vanotenda! Musanyengedza Allah nemutumwa wavo, uye musanyengedze zvivimbo zvenyu (Zvinhu zvese zvamunochengetedzwa, uye mabasa ese Allah vakakukomekedzai)
  28. Uye zivai kuti hupfumi hwenyu nevana venyu zvingori asi miedzo, uye muzvokwadi kuti kuna Allah kune mubairo mukuru
  29. Imi vanotenda! Kana mukateerera uye kutya Allah, vachakupai chiedza (kuona chakanaka nechakaipa), uye vachakukunganwirai zvitadzo zvenyu, uye vachakuregererai; uye Allah ndivo muridzi wemubairo mukuru
  30. Uye (rangarirai) apo vasingatendi vakakuitira hurongwa (Muhammad (SAW)) kuti vakusunge, kana kukuuraya, kana kukudzinga (pamba pako – Makkah); vaikurongera uye Allah vaivarongerawo. Uye Allah ndivo nyanzvi yeavo vanoronga
  31. Uye kana ndima dzedu (dzemuQur’aan) dzikaverengwa kwavari, vanoti: “Tazvinzwa; kana tichida tinogona kutaura zvakangofanana naizvozvo. Hapana zviripo apa asi inyaya dzekare.”
  32. Uye (rangarirai) apo vakati: “Imi Allah! Kana iri (Qur’aan) riri chokwadi kubva kwamuri, tumirai matombo pasi kwatiri kubva kudenga kana kuti tiunzirei mutongo unorwadza.”
  33. Uye Allah havavarangi kana iwe (Muhammad (SAW)) uri mukati mavo, kana kuvaranga ivo vachikumbira ruregerero (rwaAllah)
  34. Uye zvingagona sei kuti Allah vasavarange ivo vachirambidza (vanhu) kuAl-Masjid Al-Haraam, uye havazi vachengeti vayo? Hakuna anokwanisa kuve muchengeti wayo kunze kweavo vanotya (Allah), asi vazhinji vavo havazvizivi
  35. Uye munamato wavo (Swalaah) muimba (yaAllah, Ka’bah) pakanga pasina zviripo asi mheterwa nekuombera maoko. Naizvozvo ravirai murango nokuda kwekuti makanga musingatendi
  36. Zvirokwazvo, avo vasingatendi vanoshandisa hupfumi hwavo kudzivirira (vanhu) kufamba munzira yaAllah, uye vacharamba vachiushandisa, asi mhedzisiro yacho huchava musengwa kwavari. Uye vachakurirwa, uye avo vasingatendi kuGehena ndiko kwavachaunganidzwa
  37. Kuitira kuti Allah vagosiyanisa vakaipa (vasingatendi uye vanoita zvakaipa) kubva mune vakanaka (vanotenda muIslaam uye vanoita zvakanaka), uye vagoisa vaipi, umwe pamusoro peumwe, vovaunganidza pamwechete, uye vovakanda muGehena. Ivavo, ndivo vanhu vakarasikirwa
  38. Iti kune avo vasingatendi: “Kana vakasiya (Kusatenda), zvitadzo zvavo zvekare zvinoregererwa. Asi kana vakadzokera (muKusatenda) zvino muenzaniso weavo (vakarangwa) mushure mavo wakatodarika (seyambiro).”
  39. Uye varwisei kusvikira pasisina Fitnah (Kusatenda) uye chitendero chava chaAllah chete (pasi rese). Asi kana vakasiya (Kusatenda), zvino, muzvokwadi Allah ndivo vanoona zvizere zvavanoita
  40. Uye kana vakafuratira, zvino chiziva kuti Allah ndivo muchengeti wako. Muchengeti akanaka uye mubetseri ane hunyanzvi
  41. Uye zivai kuti chingava chii chamunowana pahondo (mhimbiri), zvirokwazvo, chidimbu chimwe kubva kuzvishanu (1/5) zvacho ndecha Allah, uye mutumwa (Muhammad (SAW)), uye kune hama dzepedyo (dzaMuhammad (SAW)), uye nherera, uye vanotambura, uye vari parwendo, kana muchitenda muna Allah uye neizvo zvatakatumira kune muranda wedu (Muhammad (SAW)) pazuva rekusiyanisa (zvakaipa nezvakanaka), zuva iro zvikwata zviviri (zvemauto) zvakasangana (muhondo yeBadr); uye Allah vanokwanisa kuita zvose
  42. (Rangarirai) apo imi (mauto evatendi) pamakanga muri parutivi rwepedyo rwebani, uye ivo vari mechokurutivi rwokure, uye ngorovhani yakanga iri pasi penyu. Kunyangwe dai makaita chitsividzo chokusangana, mungadai makakundikana muchitsividzo, asi (makasangana) kuitira kuti Allah vagopedzisa hurongwa hwakanga hwatotarwa (muruzivo rwavo), kuitira kuti avo vaida kuparadzwa (nekuramba kutenda kwavo) voparadzwa mushure mehumboo huri pachena, uye avo vaizorarama (vatendi) vorarama mushure mehumboo huri pachena. Uye zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoziva zvose
  43. (Rangarira) apo Allah vakakuratidza (Muhammad (SAW)) kuhope dzako vari vashoma; uye dai vakakuratidza vakawanda, zvirokwazvo mungadai makashaya shungu, uye mungadai makapikisana pakuronga. Asi Allah vakakudzivirirai. Zvirokwazvo, ndivo vanoziva zvose zviri mumoyo
  44. Uye (rangarirai) apo pamakasangana (muhondo yeBadr) Allah vakavaratidza kwamuri vari vashoma mumaziso enyu, uye vakaita kuti imi muite sevashomawo mumaziso avo, kuitira kuti Allah vagopedzisa chirongwa chakanga chatotarwa (muruzivo rwavo), uye kuna Allah ndiko kunodzokera zvirongwa zvese
  45. Imi vanotenda! Mukasangana nemauto (mhandu), mirai uye morwisa zvakasimba uye rangarirai zita raAllah zvakanyanya (nerurimi uye nemoyo), kuitira kuti mugobudirira
  46. Uye teererai Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye musapikisane (pachenyu) mungazoshaya shungu uye simba renyu roenda, uye ivai munotsungirira. Chokwadi, Allah vane avo vanotsungirira
  47. Uye musaite seavo vanobuda mudzimba dzavo vachizvitutumadza uye kuti vaonekwe nevanhu, uye vachidzivirira vanhu kunzira yaAllah. Uye Allah vanoziva zvizere zvose zvavanoita
  48. Uye (rangarirai) apo Dhiyabhorosi akaita kuti zvakaipa zvavo zviite sezvakanaka, achiti: “Hakuna munhu anokwanisa kukukundai zuva ranhasi (rehondo yeBadr) uye chokwadi ndini muvakidzani wenyu (parubetsero).” Asi mauto maviri pavakaonana, akatiza ndokuti: “Zvirokwazvo, handina chokuita nemi. Chokwadi ndinoona zvamusingaoni. Chokwadi, ndinotya Allah nokuti Allah vanorwadzisa pakuranga.”
  49. Apo vanyengedzi neavo vane chirwere (chekusatenda) mumoyo yavo vakati: “Vanhu ava (maMuslim) chitendero chavo chavanyengedza.” Asi uyo anovimba naAllah, zvirokwazo, Allah ndivo vakuru, vane hungwaru hwese
  50. Uye dai maiona apo ngirozi padzinotora mweya yeavo vasingatendi (pakufa); dzinorova zviso zvavo nemisana (dzichiti): “Ravirai murango werimi remoto.”
  51. “Izvi nokuda kwezvakatungamidzwa nemaoko enyu. Uye chokwadi, Allah havadzvinyiriri varanda vavo.”
  52. Kufanana nehunhu hwevanhu vaFarawo, uye hweavo mushure mavo. Vakaramba humboo hwaAllah. Naizvozvo Allah vakavaranga nokuda kwezvitadzo zvavo. Zvirokwazvo, Allah vakasimbisa, uye vanoranga zvinorwadza
  53. Nokuda kwekuti Allah havashanduri chipo chavakapa vanhu kusvikira vashandura zviri mavari. Uye zvirokwazvo, Allah vanonzwa zvose, vanoziva zvose
  54. Kufanana nehunhu hwevanhu vaFarawo, uye hweavo mushure mavo. Vakaramba humboo hwaTenzi vavo. Naizvozvo takavaparadza nokuda kwezvitadzo zvavo. Uye takanyudza vanhu vaFarawo nokuti vose vaive vatadzi
  55. Zvirokwazvo, zvisikwa (zvinorarama) zvakashata pamberi paAllah ndeavo vasingatendi; nokudaro havazombotendi
  56. Ndeavo vawakapana chitsidzirano navo, asi vanoputsa chitsidzirano nguva nenguva, uye havatyi Allah
  57. Naizvozvo kana mavakurira muhondo, vapei mutongo wakaoma kuti mudzinganise avo vanovatevera, (uye) kuti vatore chidzidzo
  58. Kana uchitya (Muhammad (SAW)) kubiridzirwa (kunyengedzwa) kubva kune vanhu vapi zvavo, vadzosere (chitsidzo chavo) pane kuenzana pakati penyu (kuti pasave nechimwe chitsidzo pakati pako navo). Zvirokwazvo, Allah havadi avo vanobiridzira (vanonyengedza)
  59. Uye zvirokwazvo, avo vasingatendi vasafunge kuti vanokwanisa kutiza (mutongo hwaAllah). Chokwadi, havambokwanisi kuzvidzivirira (kubva kumutongo hwaAllah)
  60. Uye vagadzirirei hondo yakasimba kusanganisira mabhiza ehondo (zvombo zvehondo, pfuti, ndege, motokari nezvimwe zvakadaro) kuti mutyise nazvo vavengi vaAllah uye nemi, uye neavo vamusingazivi vasiri pakati pavo, asi vachizivikanwa naAllah. Uye chingava chipi chamunoshandisa munzira yaAllah chichabhadharwa kwamuri, uye hamuzombodzvanyirirwi
  61. Asi kana vachida runyararo munofanirwa kuita saizvozvo, uye movimba naAllah. Zvirokwazvo, (Allah) ndivo vanonzwa zvese, uye vanoziva zvese
  62. Uye kana vakada kukubiridzirai (kukunyengedzai), Allah ndivo vakakukwanirai. Ndivo vakakubatsira nerubetsero rwavo uye nevatendi
  63. Uye vakabatanidza moyo yavo (vatendi). Kunyangwe dai hwakashandisa zvose zviri munyika, ungadai usina kuvabatanidza moyo yavo, asi Allah vakavabatanidza. Zvirokwazvo, (Allah) ndivo samasimba, uye muchenjeri mukuru
  64. Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Allah ndivo vakafanira (vakakwana) kwauri uye nekuvatendi avo vanokutevera
  65. Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Kurudzira vatendi kuti varwise (vavengi). Kana paine vanhu makumi maviri vakashinga pakati penyu, vachakurira mazana maviri, uye kana paine zana revanhu vakashinga pakati penyu, vachakurira churu cheavo vasingatendi, nokuti vari (vasingatendi) vanhu vasinganzwisisi
  66. Iyezvino Allah varerutsa mutoro wenyu, uye vanoziva kuti mune hurema mukati menyu. Nokudaro kana paine zana revanhu vakashinga pakati penyu, vachakurira mazana maviri, uye kana paine churu pakati penyu, vachakurira zviuri zviviri nemvumo yaAllah. Uye Allah vane avo vanotsungirira
  67. Hazvigoni kuti muporofita (waAllah) atore vatapwa muhondo (uye ovasunungura nemuripo) kusvikira arwa navo ovakurira panyika. Munoda zvenyika ino (mari yemuripo), asi Allah vanokushuvirai Paradhiso. Uye Allah ndivo samasimba, vane huchenjeri hwese
  68. Dai chisiri chitsidzo chakauya kare kubva kuna Allah, mutongo wakaomarara ungadai wakakubatai nokuda kweizvo zvamakatora
  69. Nokudaro idyai zvamakatora semhimbiri zviri pamutemo uye zvakanaka, uye ityai Allah. Zvirokwazvo, Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya
  70. Iwe Muporofita (Muhammad (SAW))! Taura kune vatapwa avo vari mumaoko enyu kuti: “Kana Allah vachiziva zvakanaka zviri mumoyo yenyu, vachakupai zvimwe zvakanaka kupinda zvamatorerwa, uye vachakuregererai, uye Allah ndivo vanoregerera zvikuru, vane tsitsi dzakanyanya.”
  71. Asi kana vachida kukubiridzira (kukunyengedza Muhammad (SAW)), zvirokwazvo, vakatobiridzira Allah nechekare. Naizvozvo vakakupai simba pamusoro pavo. Uye Allah ndivo vanoziva zvikuru, vane huchenjeri hwese
  72. Zvirokwazvo, avo vakatenda, uye vakatama (Hijrah), uye vakashinga zvakasimba uye vakarwa nehupfumi hwavo uye nehupenyu hwavo munzira yaAllah kusanganisira neavo vakavapa pokugara nerubetsero, ava vose ishamwari pakati pavo. Uye kune avo vakatenda asi vasina kusiya misha yavo (Hijrah) (vachiuya kwauri Muhammad (SAW)), hakuna basa kwamuri rokuvachengeta kusvikira vasiya misha yavo. Asi kana vakatsvaga rubetsero rwenyu muchitendero, mofanira kuvabetsera kunze kune avo (vasingatendi) vamune chibvumirano chekushanda mose; uye Allah vanoona zvose zvamunoita
  73. Uye avo vasingatendi ishamwari dzeavo vasingatendi, (uye) kana imi (vatendi) mukasadaro pachenyu (kubatana muri pasi pehutongi hwemutungamiri mumwechete), pachava nemiedzo (hondo nekusatenda) uye neudzvanyiriri panyika, uye humambara hukuru pamwe nehuori
  74. Uye avo vakatenda, uye vakatama uye vakarwa zvakaoma munzira yaAllah, pamwechete neavo vakavapa pokugara nerubetsero, ava ndivo vatendi muchokwadi, kwavari kuchave nokuregererwa uye vachawana raramo yakanaka (Paradhiso)
  75. Uye avo vakazotenda mushure, uye vakasiya misha yavo uye vakashingirira zvakaoma pamwe chete nemi (munzira yaAllah), ava ndevamwe venyu. Asi avo vane hukama hweropa ndivo vari padyo nepedyo kunyanya (Panhaka) mune izvo zvakatarwa naAllah. Zvirokwazvo, Allah vanoziva zvose