89.The Dawn

  1. (Ndinopika) nemambakwedza
  2. Neusiku gumi (mazuva gumi ekutanga kwemwedzi weDhul-Hijjah)
  3. Uye nezvinhu zvinofambidzana muuviri uye zvakapfunda
  4. Neusiku apo paunopfuura
  5. Zvirokwazvo mazviri mune humboo kuvanhu vanonzwisisa
  6. Hauoni here (Iwe Muhammad (SAW)) kuti Tenzi vako vakaita sei nemaAad
  7. VeIram (vaive vakareba) kunge mapango
  8. Vasina vamwe vakasikwa saivo panyika
  9. Uye maThamood, avo vaiveza matombo mumupata (vachigadzira dzimba)
  10. Uye (na)Farawo muridzi wehoko (dzaaishandisa kurwadzisa vanhu)
  11. Avo vaipfurikidza mwero panyika
  12. Uye vachikonzera nyonga nyonga zvakanyanya mairi (nyika)
  13. Naizvozvo Tenzi vako vakaisa pavari (vanhu) mitongo yakasiyana siyana yakaoma
  14. Zvirokwazvo, Tenzi vako vanoona
  15. Kana munhu, Tenzi vake kana vachinge vamuedza nekumupa chiremera nemakomborero, ipapo anobva ati: “Tenzi vangu vandipa chiremera!”
  16. Asi kana (Allah) vakamuedza nekushomesa (kutambura) raramo yake anoti: “Tenzi vangu vandidzikisira!”
  17. Kwete! Asi hamubati nherera zvakanaka (uye hamudzipi nhaka yadzo yakakwana)
  18. Uye hamukurudzirani kupa chikafu kuAl-Miskeen (anoshaya)
  19. Uye munodya nhaka nemakaro
  20. Uye munoda hupfumi nerudo rwakanyanya
  21. Kwete! Apo nyika paichakuiwa kuita huruva
  22. Uye Tenzi vako vouya nengirozi dziri mumitsara
  23. Uye Gehena richaunzwa pedyo musi uyu. Pazuva iroro munhu acharangarira, asi kurangarira (kwake) kuchamubatsirei
  24. Achati: “Matambudziko kwandiri! Dai ndakatungamidza (mabasa akanaka) paupenyu hwangu!”
  25. Saka pazuva iri hapana achatonga sematongero avachaita (Allah)
  26. Uye hapana achasunga (vasingatendi nevaiti vemabasa akashata) semasungiro avo (Allah)
  27. (Zvichanzi kuvatsvene): “Iwe mweya uri pazororo
  28. Dzoka kunaTenzi vako, uchifadzwa (navo) uye vachifadzwa newe
  29. Naizvozvo, pinda pakati pevaranda vangu (vanoremekedzeka)
  30. Uye pinda muParadhiso rangu!”