92.The Night

  1. (Ndinopika) neusiku apo paunosvika
  2. Nemasikati apo paanobwinya
  3. Neavo vakasika chirume nechikadzi
  4. Zvirokwazvo, simba nemabasa enyu akasiyana siyana
  5. Kune uyo anopa (zvipo) uye achitya Allah
  6. Uye achitenda mune zvakanaka (Laa ilaaha illallaah – Hakuna ane kodzero yokunamatwa kunze kwaAllah; kana kuti mubairo kubva kuna Allah)
  7. Tichava tinomurerutsira nzira yakanaka
  8. Asi uyo asingapi (anonyima), uye achifunga kuti mupfumi (haana chaanoda kubva kune umwe munhu)
  9. Uye achiramba Al-Husna (zvakanaka: Laa ilaaha illallaah, kana kuti mubairo kubva kunaAllah)
  10. Tichava tinomurerutsira nzira yakaipa
  11. Uye hupfumi hwake huchamubatsira chii paachawira pasi (mumatambudziko)
  12. Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune nhungamiro
  13. Uye zvirokwazvo kwatiri ndiko kune magumo nemavambo (upenyu hwepano pasi neuchatevera)
  14. Naizvozvo ndinokuyambirai nezvemoto unopisa (Gehena)
  15. Hapana achaupinda kunze kweavo vachange vasina mufaro
  16. Avo vanoramba vofuratira
  17. Uye Al-Muttaqoon (vatsvene, vanhu vanotya Allah) vachaiswa kure nawo (moto weGehena)
  18. Uye anopa hupfumi hwake kuti azvichenese
  19. Uye uyo asiri kuripa chakanaka chaakaitirwa naani zvake
  20. Kunze kwekuti achitsvaga chiso (kufadza) chaTenzi vake vepamusoro-soro
  21. Uye zvirokwazvo mushure maizvozvo, achava anofara (paachapinda Paradhiso)