93.The Morning Hours

  1. (Ndinopika) nenguva yemangwanani (zuva richangobuda)
  2. (Ndinopika) nenguva yemanheru apo painoita rima
  3. Tenzi vako (Iwe Muhammad (SAW)) havana kukurasirira kana kukuvenga
  4. Uye zvirokwazvo hupenyu hwemangwana hwakanaka kwauri kukunda hupenyu hwenyika ino
  5. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vachakupa (zvakanaka) naizvozvo ugofara
  6. Havana here kukuwana (Muhammad (SAW)) uri nherera ndokubva vakuchengetedza
  7. Uye vakakuwana wakarasika ndokubva vakutungamirira
  8. Uye vakakuwana uri murombo ndokubva vakuita mupfumi (mugutsikani nezvaunazvo)
  9. Naizvozvo, usachengete nherera nehudzvanyiriri
  10. Uye usadzinge uyo anokumbira (mupe)
  11. Uyezve taura pamusoro pemakomborero aTenzi vako (awakapiwa, Huporofita nemamwewo)