96.The Clot

  1. Verenga! Muzita raTenzi vako avo vakasika (zvinhu zvese)
  2. Vakasika munhu kubva mubumbu reropa
  3. Verenga! Uye Tenzi vako ndivo mukomboreri mukuru
  4. Avo vakadzidzisa (kunyora) nechinyoreso
  5. Vakadzidzisa munhu izvo zvaakanga asingazivi
  6. Asi, zvirokwazvo, munhu anodarika mirairo
  7. Nokuda kwekuti anozviona sekunge akapfuma
  8. Zvirokazvo, kuna Tenzi vako ndiko kune kudzokera
  9. Wakamuona here (Muhammad (SAW)) uyo anodzivirira (anorambidza - Abu Jahl)
  10. Muranda (Muhammad (SAW)) kana achinamata
  11. Wakamboona here kana iye (Muhammad (SAW)) ari kutungamirwa (naAllah)
  12. Kana ari kukomekedza kutya (Allah)
  13. Wakamboona here kana iye (Abu Jahl) achiramba chokwadi (Qur’aan) uye achifuratira
  14. Haazivi here kuti Allah vanoona (zvose)
  15. Asi, kana asina kusiya (Abu Jahl), tichamubata nebvudzi rekumberi
  16. Bvudzi repamberi (pemusoro) rinonyepa nekukanganisa
  17. Naizvozvo chimusiyai adaidze dare rake (revabetseri)
  18. Isu tichadaidza vachengeti veGehena (kuti vaone chekuita naye)
  19. Kwete! (Muhammad (SAW)) usamuteerera (Abu Jahl). Pfugama uye uswedere pedyo (naAllah)